ShonaTeam Isaiah « 37 »

37Zvino zvakaitika pakunzwa kwamambo Hezekia, kuti wakabvarura nguvo dzake, ndokuzvifukidza saga, ndokupinda muimba yaJehovha.

2 Zvino wakatuma Eriakimu waiva pamusoro peimba, naShebhina munyori, nevakuru vevapristi, vakazvifukidza masaga, kuna Isaya mwanakomana waAmozi muporofita.

3 Zvino vakati kwaari: Anoreva seizvi Hezekia: Zuva rino izuva redambudziko nerekusvorwa nekunyomba, nokuti vana vasvika pakuzvarwa, asi hakuna simba rekuzvara.

4 Zvimwe Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko aRabhi-Shake, mambo weAsiriya tenzi wake waakatuma kuzvidza Mwari mupenyu, nekumhura pamashoko Jehovha Mwari wenyu aakanzwa; naizvozvo simudzirai vakasara vanowanikwa munyengetero.

5 Zvino varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.

6 Isaya ndokuti kwavari: Muchareva seizvi kuna tenzi wenyu: Anoreva seizvi Jehovha: Usatya nekuda kwemashoko awakanzwa, varanda vamambo weAsiriya avakandimhura nawo.

7 Tarira, ndichaisa mweya maari, uye achanzwa runyerekupe, uye achadzokera kunyika yake; uye ndichamuwisisa nemunondo munyika yake.

8 Zvino Rabhi-Shake wakadzoka, ndokuwana mambo weAsiriya achirwa neRibhina, nokuti waiva anzwa kuti wabva paRakishi.

9 Wakati achinzwa zvaTirihaka mambo weItiyopiya, zvichinzi: Abuda kuzorwa newe; paakanzwa, wakatuma nhume kuna Hezekia, achiti:

10 Uchataura seizvi kuna Hezekia mambo waJudha, uchiti: Mwari wako waunovimba naye ngaarege kukunyengera achiti: Jerusarema haringapiwi muruoko rwamambo weAsiriya.

11 Tarira, iwe wakanzwa madzimambo eAsiriya zvaakaitira kunyika dzose, kudziparadza; zvino iwe uchasunungurwa here?

12 Vamwari vendudzi vakasunungura here avo madzibaba angu avakaparadza: Gozani, naHarani, naRezefi, nevana vaEdheni vaiva paTerasari?

13 Aripi mambo weHamati, namambo weAripadhi, namambo weguta reSafarivhaimi, Hena, neIvha?

14 Zvino Hezekia wakagamuchira tsamba muruoko rwenhume, ndokudziverenga. Hezekia ndokukwira kuimba yaJehovha, ndokuiwaridza pamberi paJehovha.

15 Zvino Hezekia wakanyengetera kuna Jehovha achiti:

16 Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, agere pakati pemakerubhi! Imwi muri Mwari, imwi moga, weushe hwose hwenyika; imwi makaita matenga nenyika.

17 Jehovha, rerekerai nzeve yenyu mugonzwa; vhurai meso enyu, Jehovha, muone, munzwe mashoko ose aSeni-Akeribhi, aakatuma kuzozvidza Mwari mupenyu.

18 Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiriya akaparadza nyika dzose nenyika dzadzo,

19 ndokukandira vamwari vadzo mumoto; nokuti vaiva vasiri vamwari, asi basa remaoko emunhu, danda neibwe; naizvozvo vakavaparadza.

20 Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari wedu, tiponesei kubva paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti imwi muri Jehovha, imwi moga.

21 Zvino Isaya mwanakomana waAmozi wakatuma kuna Hezekia achiti: Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Zvawanyengetera kwandiri maererano naSeni-Akeribhi mambo weAsiriya,

22 iri ishoko Jehovha raataura maererano naye: Mhandara, mukunda weZiyoni, anokuzvidza, anokusveveredza; mukunda weJerusarema wakadzungudza musoro shure kwako.

23 Ndiani wawakatuka nekunyomba? Uye wakasimudzira ani inzwi, wakasimudzira meso ako kumusoro? Kurwisa Mutsvene waIsraeri.

24 Neruoko rwevaranda vako wakatuka Ishe, ndokuti: Neuwandu hwedzingoro dzangu ini ndakakwira pakakwirira pemakomo, mativi eRebhanoni. Zvino ndichatema misidhari yaro mirefu, miti yemisipiresi yakasarudzwa yaro, uye ndichapinda pakakwirira pemicheto yaro, sango raro dema.

25 Ini ndakachera ndikanwa mvura, uye nepasi petsoka dzangu ndakapwisa nzizi dzose dzenzvimbo dzakashoshewa.

26 Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, panguva dzekare, kuti ndakazviumba? Ikozvino ndaita zviitike, kuti ungava wekuparadza maguta akashoshewa, ave matutu ematongo.

27 Naizvozvo vagari vawo vaiva neruoko rupfupi, vakatya, ndokunyara, vaiva seuswa hwesango, nemuriwo munyoro, uswa hwedenga reimba, nezviyo zvakatsva zvisati zvakura.

28 Asi ndinoziva kugara kwako, nekubuda kwako, nekupinda kwako, uye kunditsamwira kwako.

29 Nekuda kwekunditsamwira kwako, uye kuti ruzha rwako rwakakwira munzeve dzangu, ndakaisa haka yangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.

30 Zvino ichi chichava chiratidzo kwauri: Uchadya gore rino zvinozvimerera, uye mugore rechipiri zvinotunga kubva pazviri; asi negore rechitatu dzvarai, mugokohwa, mudzvare minda yemizambiringa, mudye zvibereko zvayo.

31 Zvino zvakapukunyuka zveimba yaJudha zvakasara zvichatsirazve midzi pasi, zvibereke zvibereko kumusoro.

32 Nokuti muJerusarema muchabuda zvakasara, nezvakapukunyuka pagomo reZiyoni. Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchaita izvi.

33 Naizvozvo anoreva seizvi Jehovha maererano namambo weAsiriya: Haangapindi muguta iri, uye haangapotseri musevemo, uye haangauyi pamberi paro nenhovo, uye haangatutiri gomo revhu pakatarisana naro.

34 Nenzira yaakauya nayo, achadzokera naiyoyo, uye haangapindi muguta rino, anoreva Jehovha.

35 Nokuti ndichadzivirira guta rino kuriponesa nekuda kwangu uye nekuda kwaDhavhidhi muranda wangu.

36 Ipapo mutumwa waJehovha wakabuda ndokurova pamusasa wevaAsiriya zvuru zana nemakumi masere nezvishanu; pavakamuka mangwanani-ngwanani, zvino tarira, vose vava zvitunha zvakafa.

37 Naizvozvo Seni-Akeribhi mambo weAsiriya wakabva, ndokuenda, ndokudzokera, ndokugara muNinivhe.

38 Zvino zvakaitika paaishumira muimba yaNisiroki mwari wake, Adhiramereki naSharezari vanakomana vake vakamurova nemunondo; ivo ndokupukunyukira kunyika yeArarati. Esari-Hadhoni mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.