ShonaTeam Isaiah « 36 »

Kurwa kwaSeni-Akeribhi neJerusarema

36Zvino zvakaitika, mugore regumi nemana ramambo Hezekia, Seni-Akeribhi mambo weAsiriya wakakwira kurwisa maguta ose aJudha akashoshewa, ndokuatora.

2 Zvino mambo weAsiriya wakatuma Rabhi-Shake kubva paRakishi kuenda kuJerusarema kuna mambo Hezekia ane hondo inorema. Zvino wakamira pamugero wedziva rekumusoro, panzira huru yemunda wemusuki.

3 Zvino kwakabudira kwaari Eriakimu mwanakomana waHirikiya, waiva pamusoro peimba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi, munyori wenhoroondo.

4 Zvino Rabhi-Shake wakati kwavari: Taurai ikozvino kuna Hezekia: Ndizvo zvinoreva mambo mukuru, mambo weAsiriya: Chivimboi ichi chaunovimba nacho?

5 Ndinoti (asi ishoko remiromo): Kune zano nesimba rehondo. Ikozvino unovimba nani kuti undimukire?

6 Tarira, unovimba nemudonzvo werutsanga rwakavhunika urwu, paEgipita, kana munhu akasendama parwuri, rwuchapinda muruoko rwake, ndokurwubaya; wakadaro Farao mambo weEgipita kune vose vanovimba naye.

7 Asi kana ukati kwandiri: Tinovimba naJehovha Mwari wedu; haasi iye nzvimbo dzake dzakakwirira nedziaritari dzake Hezekia zvaakabvisa ndokuti kuna Judha nekuna Jerusarema: Muchanamata pamberi pearitari iyi?

8 Naizvozvo zvino, ipa hako chibatiso kuna tenzi wangu mambo weAsiriya, zvino ndichakupa mabhiza zvuru zviviri, kana iwe uchigona kupa vatasvi pamusoro pawo.

9 Zvino uchadzosera sei chiso chemutungamiriri umwe wevadiki vevaranda vatenzi wangu? Asi iwe ugovimba naEgipita pangoro nepavatasvi vemabhiza.

10 Ikozvino ndingakwira here ndisina Jehovha kurwisa nyika iyi kuiparadza? Jehovha wakati kwandiri: Kwira urwise nyika iyi, uiparadze.

11 Zvino Eriyakimu naShebha naJowa vakati kuna Rabhi-Shake: Taurai henyu kuvaranda venyu chiAramiya, nokuti tinochinzwa; uye musataura kwatiri chiJudha munzeve dzevanhu vari parusvingo.

12 Asi Rabhi-Shake wakati: Tenzi wangu wakandituma kuna tenzi wako nekwauri here, kutaura mashoko awa? Hakusi kuvanhu vagere pamusoro perusvingo kuti vadye ndove yavo, nekunwa weti yavo pamwe nemwi here?

13 Zvino Rabhi-Shake wakamira ndokudanidzira nenzwi guru nechiJudha, ndokuti: Inzwai mashoko amambo mukuru, mambo weAsiriya.

14 Ndizvo zvinoreva mambo: Hezekia ngaarege kukunyengerai; nokuti haagoni kukusunungurai.

15 Uye Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti: Jehovha achatisunungura zvekusunungura; guta iri haringapiwi muruoko rwamambo weAsiriya.

16 Musateerera kuna Hezekia; nokuti ndizvo zvinoreva mambo weAsiriya: Tsvakai nyasha kwandiri nechipo, mugobudira kwandiri, mugodya umwe neumwe muzambiringa wake, uye umwe neumwe muonde wake, nekunwa umwe neumwe mvura yetsime rake;

17 kusvika ndasvika ndakubvisirai kunyika yakafanana nenyika yenyu, nyika yezviyo newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa.

18 Zvimwe Hezekia angakunyengetedzai achiti: Jehovha achatisunungura. Vamwari vendudzi vakambosunungura umwe neumwe nyika yake muruoko rwamambo weAsiriya here?

19 Varipi vamwari veHamati neAripadhi? Varipi vamwari veSefarivhaimi? Zvirokwazvo vakasunungura Samariya paruoko rwangu here?

20 Ndivana ani pakati pavamwari vose venyika idzi vakasunungura nyika yavo paruoko rwangu, kuti Jehovha achasunungura Jerusarema paruoko rwangu?

21 Asi vakanyarara, uye havana kumupindura shoko; nokuti murairo wamambo waiti: Musamupindura.

22 Zvino kwakauya Eriakimu mwanakomana waHirikiya, waiva pamusoro peimba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo, kuna Hezekia, vane nguvo dzakabvarurwa, ndokumuudza mashoko aRabhi-Shake.