ShonaTeam Isaiah « 35 »

Kudzoswa kwevanhu vaJehovha

35Renje nenyika yakaoma zvichavafarira; nesango richafara, richatumbuka seruva.

2 Richatumbuka zvizhinji nekufara, kunyange nemufaro nekuimba; kubwinya kweRebhanoni kuchapiwa kwariri, ukuru hweKarimeri neSharoni; ivo vachaona kubwinya kwaJehovha, ukuru hwaMwari wedu.

3 Simbisai maoko asina simba, uye musimbise mabvi anodedera.

4 Itii kune vane moyo inokurumidza: Simbai! Musatya. Tarirai Mwari wenyu achauya netsivo, kudzosera kwaMwari, iye achauya agokuponesai.

5 Ipapo meso emapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa.

6 Ipapo anokamhina achakwakuka senondo, nerurimi rwembeveve rwuchaimba, nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova mugwenga.

7 Ivhu rakatsva richava madhaka, nevhu rakaoma richava zvitubu zvemvura. Paugaro hwemabukanana panzvimbo yawo yekurara pachava neuswa netsanga nenhokwe.

8 Zvino ipapo pachava nenzira huru, nenzira, uye ichanzi nzira yeutsvene; wakasviba haangapfuuripo, asi ichava yeuyo anofamba nenzira; kunyange vari mapenzi havangarasiki.

9 Ipapo hapangavi neshumba, kunyange chikara chinopamba hachingakwiripo, hachingawanikwipo; asi vakadzikunurwa vachafamba nayo.

10 Zvino vakanunurwa vaJehovha vachadzoka, uye vachapinda muZiyoni mukuimba, nemufaro warinhi narinhi pamusoro wavo; mufaro nekupembera vachazviwana, asi kusuwa nekugomera zvichatiza.