ShonaTeam Isaiah « 34 »

Jehovha achatonga marudzi ose

34Swederai, imwi marudzi, kuti munzwe, nemwi vanhu, teererai; nyika ngainzwe, nekuzara kwayo, pasi, nezvose zvinobudapo.

2 Nokuti kutsamwa kwaJehovha kuri pamusoro pemarudzi ose, uye hasha pamusoro pehondo dzavo dzose; wakavaparadza chose, wakavapa kukuurawa.

3 Zvino vakaurawa vavo vacharaswa kunze, uye kunhuhwa kwavo kuchakwira kubva pazvitunha zvavo, nemakomo achanyunguduswa neropa ravo.

4 Zvino hondo yose yematenga ichapedzwa; nematenga achapetwa serugwaro; uye hondo dzaro dzose dzichawira pasi seshizha rinodonha mumuzambiringa uye seonde rinodonha pamuonde.

5 Nokuti munondo wangu wanyikwa mumatenga; tarirai, uchaburukira pamusoro peEdhomu, nepamusoro pevanhu vekuparadza kwangu mumutongo.

6 Munondo waJehovha uzere neropa; wakakodzwa nemafuta, neropa remakwai nedzimbudzi, nemafuta eitsvo dzemakondohwe; nokuti Jehovha ane chibairo muBhozira, nekuuraya kukuru munyika yeEdhomu.

7 Zvino nyati dzichawa pamwe navo, nenzombe diki pamwe nehandira; uye nyika yavo ichanyikwa muropa, neguruva ravo richakodzwa nemafuta.

8 Nokuti izuva retsivo raJehovha, gore rekudzoserwa kukuru kwegakava reZiyoni.

9 Zvino hova dzayo dzichashandurwa kuva namo, neguruva raro kuva sarufa, nenyika yavo ichava namo inopfuta.

10 Haingadzimwi usiku nemasikati; utsi hwayo huchakwira nekusingaperi; richava dongo kusvika kuzera nezera; hakuna munhu angapfuura mariri kusvika rinhi narinhi.

11 Asi hukurwizi nenungu zvichadya nhaka yayo; uye zizi negunguwo zvichagara mairi; uye achatandavadzira pamusoro payo rwonzi rwekuparadza nemabwe ekushaya chinhu.

12 Vachadanira vakuru vayo umambo, asi hapana achavapo; nemachinda ayo ose achava pasina.

13 Zvino minzwa ichamera mumizinda yayo, ubayambeva nerukato mudzinhare dzayo; uye ichava ugaro hwemabukanana, musha wevakunda vemhou.

14 Uye zvikara zvemarenje zvichasangana nezvikara zvinoungudza, nenhongo ichadana imwe yayo; zvirokwazvo dhimoni reusiku richazororapo, richazviwanira nzvimbo yekuzorora.

15 Rovambira richaita dendere raropo, nekukandira, nekuchochonya, nekuvhumbamira pasi pemumvuri waro; nemagora achaunganapo, rimwe nerimwe neshamwari yaro.

16 Tsvakai pabhuku raJehovha, muverenge; hakuna kana chimwe cheizvi chichashaikwa, hakuna chichashaikwa umwe wacho; nokuti muromo wangu pachawo waraira; nemweya wake pachawo wazviunganidza.

17 Nokuti iye wakavakandira mujenya, neruoko rwake rwakavaganhurira nerwonzi; ichava nhaka yavo nekusingaperi, kubva kuzera kusvika kuzera vachagara mariri.