ShonaTeam Isaiah « 33 »

Jehovha acharwira vanhu vake

33Nhamo kwauri unoparadza, asi usina kuparadzwa; uye unoita nekunyengera, asi vasina kukuitira nekunyengera! Paunenge wapedza kuparadza, uchaparadzwa; paunenge wapedza kuita nekunyengera, vachakuitira nekunyengera.

2 Jehovha, mutinzwire tsitsi, takakumirirai; ivai ruoko rwavo pamangwanani ose, neruponeso rwedu panguva yekutambudzika.

3 Paruzha rwekupupuma vanhu vachatiza; kubva pakukudzwa kwenyu marudzi achapararira.

4 Uye zvakapambiwa zvenyu zvichaunganidzwa, kuunganidza kwemhashu diki; vachamhanyira kwazviri semumhanyiro wemhashu.

5 Jehovha wakakwirira, nokuti anogara pakakwirira; anozadza Ziyoni nemutongo nekururama.

6 Zvino uchenjeri neruzivo zvichava kusimba kwenguva dzako, simba reruponeso rukuru; kutya Jehovha ifuma yake.

7 Tarirai, mhare dzavo dzinodanidzira dziri kunze; nhume dzerugare dzinochema misodzi zvinorwadza.

8 Migwagwa mikuru yava pasina, anopfuura nenzira waguma; waputsa sungano, wazvidza maguta, haana hanya nemunhu.

9 Nyika inochema, yaziya; Rebhanoni rinonyara, raoma; Sharoni rava serenje; uye Bhashani neKarimeri azuka mashizha.

10 Ikozvino ndichasimuka, anoreva Jehovha; ikozvino ndichakudzwa, ikozvino ndichakwiridzirwa.

11 Muchabata mimba yehundi, muchabereka makoto; mweya wenyu, moto uchakupedzai.

12 Zvino marudzi achava sezvakapiswa zvesuko, seminzwa yakatemwa vachapiswa nemoto.

13 Inzwai, imwi muri kure, zvandakaita; nemwi muri pedo, zivai simba rangu.

14 Vatadzi vari paZiyoni vanotya; kudedera kwabata vanyepedzeri. Ndiyani pakati pedu angagara nemoto unoparadza? Ndiyani pakati pedu angagara nekupisa kukuru kusingaperi?

15 Uyo anofamba muururami ukuru; uye anotaura pauchokwadi ukuru; iye anoshora fuma yemanikidzo; anozuza maoko ake pakubata fufuro; anodzivira nzeve yake pakunzwa kuteuka kweropa; uye anotsinzina meso ake pakutarira zvakaipa;

16 iye achagara panzvimbo dzakakwirira; nhare dzemabwe dzichava utiziro hwake; zvekudya zvichapiwa kwaari; mvura yake ichava yakatendeka.

17 Meso ako achaona mambo pakunaka kwake; achaona nyika iri kure kwazvo.

18 Moyo wako uchafunganya kutyisa, uchiti: Aripi muverengi? Aripi muyeri? Aripi muverengi wedzishongwe?

19 Haungaoni vanhu vanovirima, vanhu vane mutauro wakadzama kupfuura zvaunonzwisisa, vane rurimi rwunokakama rwausinganzwisisi.

20 Tarirai Ziyoni, guta remitambo yedu yakatarwa; meso ako achaona Jerusarema, ugaro hwakadzikama, tende risingazovhomorwi, mbambo dzaro hadzingazodzurwi, nebote raro rimwe risingazodamburwi.

21 Asi Jehovha achavapo nesu neumambo, nzvimbo yenzizi, yehova dzakafaranuka; magwa anokwasviwa haangasvikipo, nechikepe chikuru hachingapfuuripo.

22 Nokuti Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mupi wemirairo wedu, Jehovha ndiye mambo wedu; iye achatiponesa.

23 Mabote ako akadembenuka; haagoni kusimbisa muromo wepasi wedanda rechikepe chavo; haagoni kutasanura seiri; ipapo zvakatapiwa nezvakapambiwa zvizhinji zvinogoverwa; zvirema zvinotora zvakatapiwa.

24 Zvino mugari haangati: Ndinorwara. Vanhu vageremo vachakanganwirwa chitadzo.