ShonaTeam Isaiah « 32 »

Ishe wakarurama

32Tarirai, mambo achatonga mukururama, uye maererano nemachinda, achatonga mumutongo.

2 Zvino munhu achava senzvimbo yekuvanda mhepo, nechidzikatiro pamvura ine mhepo, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, semumvuri wedombo rinorema panyika yafa nenyota.

3 Zvino meso evanoona haangasvibirirwi, uye nzeve dzevanonzwa dzichateerera.

4 Zvino moyo wevanokurumidzira uchanzwisisa ruzivo, nerurimi rwevanokakama rwuchakurumidza kutaura zvinonzwikwa.

5 Benzi harichazonzi muremekedzwa, neasina unhu haanganzi anokudzwa.

6 Nokuti benzi rinotaura upenzi, uye moyo waro unoita zvakaipa, kuita unyepedzeri, nekutaura zvinopesana naJehovha, kushaisa chinhu mweya weupenyu une nzara, nekushaisa chinwiwa kune anenyota.

7 Zvombowo zveasina unhu zvakaipa; iye anopa mazano akaipa, kuparadza varombo nemashoko enhema, kunyange anoshaiwa akataura zvakarurama.

8 Asi anoremekedzwa anopa mazano ezvinoremekedzwa; uye iye anomira nezvinoremekedzwa.

Vakadzi veJerusarema vanonyeverwa

9 Simukai, vakadzi vakatambarara, munzwe inzwi rangu; vakunda vakachengetedzeka, ipai nzeve pakutaura kwangu.

10 Mazuva anodarika gore muchadedera, imwi vakachengetedzeka, nokuti goho remazambiringa richapedzwa, kuunganidza hakungasviki.

11 Dederai, imwi vakadzi vakatambarara; vhiringidzwai, imwi makachengetedzeka; kururai mushame, musunge zviuno nemasaga.

12 Vachachemera mazamu, minda yakanaka, muzambiringa unobereka.

13 Pamusoro penyika yevanhu vangu pachamera minzwa nerukato; zvirokwazvo pamusoro pedzimba dzose dzemufaro, muguta remhururu.

14 Zvirokwazvo muzinda uchasiiwa; chaunga cheguta chichasiiwa; chikomo neshongwe yekurinda zvichava mapako kusvika rinhi narinhi, mufaro wembongoro dzemusango, mafuro emapoka ezvipfuwo;

15 kusvika mweya uchidururwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, uye renje rive munda unobereka, nemunda unobereka uchinzi isango.

16 Ipapo mutongo uchagara murenje, uye kururama kuchagara mumunda unobereka.

17 Zvino basa rekururama richava rugare, uye kushumira kwekururama kuchanyarara nekutendeka kusvika rinhi narinhi.

18 Zvino vanhu vangu vachagara paugaro hune rugare, nepanzvimbo dzekugara dzakachengetedzeka, nepanzvimbo dzekuzorora dzakanyarara.

19 Asi kuchanaya chimvuramabwe pakuburuka kwesango; uye guta richaderedzerwa mumupata.

20 Makaropafadzwa imwi munokusha pamvura dzose, munosundira gumbo renzombe nerembongoro.