ShonaTeam Isaiah « 31 »

Egipita haingabatsiri, asi Jehovha

31Nhamo kune vanoburukira rubatsiro kuEgipita, vanozembera pamabhiza, nekuvimba nedzingoro nokuti izhinji, nevatasvi vemabhiza nokuti vakasimba kwazvo, asi vasingatarisi kuMutsvene waIsraeri, uye vasingatsvaki Jehovha.

2 Zvakadaro naiye wakachenjera, uye achauisa chakaipa, uye haangadzosi mashoko ake, asi achamukira imba yevaiti vezvakaipa, nekurwisa rubatsiro rwevaiti vezvitadzo.

3 Nokuti vaEgipita vanhu, havasi Mwari, nemabhiza avo inyama, haasi mweya; Jehovha paachatandavadza ruoko rwake, anobatsira achagumburwa neanobatsirwa achawira pasi, zvino vose vachapera pamwe chete.

4 Nokuti anoreva seizvi Jehovha kwandiri: Seshumba nehando yeshumba zvichiombera chijimbiwa chazvo; chaunga chevafudzi pachinodanirwa kuirwira, haingatyi inzwi ravo, uye hainganinipiswi neruzha rwavo, naizvozvo Jehovha wehondo achaburukira kurwira gomo reZiyoni, nechikomo charo.

5 Seshiri dzinobhururuka, saizvozvo Jehovha wehondo achadzivirira Jerusarema, achidzivirira acharidzikinura, achipfuura, acharichengetedza.

6 Dzokerai kuna iye vana vaIsraeri wavakamukira kwazvo.

7 Nokuti nezuva iro umwe neumwe acharasa zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvegoridhe, maoko enyu zvaakakuitirai kuva chivi.

8 Zvino Asiriya achawa nemunondo usiri wemunhu ane simba; uye munondo usiri wemunhu wepasi uchamupedza; uye achatiza munondo, uye majaya ake achava echibharo.

9 Zvino dombo rake richapfuura nekuda kwekutya, nemachinda ake achatyityidzirwa nemureza, anoreva Jehovha, ane moto wake uri paZiyoni, nechoto chake paJerusarema.