ShonaTeam Isaiah « 28 »

Efuremu naJudha vanotsiurwa

28Nhamo kukorona yekuzvikudza yezvidhakwa zvekwaEfuremu, nekuruva rinobvuruvara rerunako rwekubwinya kwake, riri pamusoro pemusoro wemupata wakaorera kwazvo, wevakarohwa newaini.

2 Tarirai, Ishe ane umwe ane simba uye wekugwinya. Achakanda panyika neruoko, sedutu remhepo rine mvura rechimvuramabwe, dutu rinoparadza, semafashame emvura zhinji ane simba anokukura.

3 Korona yekuzvikudza yezvidhakwa zvekwaEfuremu ichatsikirwa pasi netsoka.

4 Uye ruva rinobvuruvara rerunako rwekubwinya kwake riri pamusoro pemusoro wemupata wakaorera kwazvo richava sechibereko chekutanga zhizha risati rasvika, kuti muoni waro aone, richiri muruoko rwake arimedze.

5 Nezuva iro Jehovha wehondo achava korona yekubwinya neukomba hwerunako kune vakasara vevanhu vake,

6 nemweya wemutongo kune agere pamutongo, nesimba kune avo vanodzosera hondo kusuwo.

7 Uyewo ava vakarasika nekuda kwewaini, uye nekuda kwezvinodhaka vakatsauka; mupristi nemuporofita vanorasika nekuda kwezvinodhaka, vakamedzwa newaini, vakatsauka nekuda kwezvinodhaka, vanorasika pakuona, vanogumburwa pamutongo.

8 Nokuti matafura ose azere nemarutsi nekusviba; hapana nzvimbo yakanaka.

9 Ndiani waachadzidzisa ruzivo? Uye ndiani waachaita anzwisise shoko? Vakarumurwa pamukaka; vakabviswa pamazamu.

10 Nokuti mutemo uri pamusoro pemutemo, mutemo pamusoro pemutemo, chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, apa zvishoma, apo zvishoma.

11 Nokuti nemiromo inonyomba, uye nerwumwe rurimi anotaura kuvanhu ava,

12 vaakati kwavari: Iri izororo, zorodzayi vakaneta, uye uku kuvandudzwa. Asi havana kuda kunzwa.

13 Asi shoko raJehovha raiva kwavari mutemo pamusoro pemutemo, mutemo pamusoro pemutemo, chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, apa zvishoma, apo zvishoma; kuti vaende, vawe nenhendashure, vavhunike, vateyiwe, vatapwe.

14 Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imwi vanhu vekunyomba munotonga vanhu ava vari muJerusarema.

15 Nokuti makati: Takaita sungano nerufu, uye negehena takaita chibvumirano; panopfuura shamhu inofashamira haisviki kwatiri; nokuti takaita nhema dzive utiziro hwedu, uye takavanda muunyengeri.

16 Naizvozvo anoreva seizvi Ishe Jehovha: Tarirai, ndinoisa paZiyoni ibwe rive nheyo, ibwe rakaedzwa, ibwe repakona rinokosha, nheyo yakasimba; anotenda haakurumidzi.

17 Uye ndichaisa mutongo uve rwonzi rwekuyera, uye kururama kuve chekururamisa. Zvino chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenhema, uye mvura zhinji ichafashamira nzvimbo yekuvanda.

18 Zvino sungano yenyu nerufu ichadzimwa, nechibvumirano chenyu negehena hachingamiri; shamhu inofashamira painopfuura, ipapo muchatsikirwa pasi nayo.

19 Kubva panguva yekupfuura kwayo ichakutorai; nokuti nekuedza nekuedza ichapfuura, masikati neusiku; uye chichava chityiso choga kunzwisisa shoko.

20 Nokuti mubhedha uchava mupfupisa kuti munhu atandavare; nejira richava dikisa kuti munhu azvimonere.

21 Nokuti Jehovha achasimuka sepagomo rePerazimi, achatsamwa sepamupata weGibhiyoni, kuti aite basa rake, basa rake risina kujairika, uye kuti aite chiito chake, chiito chake chisina kujairika.

22 Naizvozvowo regai kunyomba, zvimwe zvisungo zvenyu zvisimbiswe; nokuti ndakanzwa kuna Ishe Jehovha wehondo kupedzwa kwatemwa pamusoro penyika yose.

23 Ipai nzeve, mugonzwa inzwi rangu, teererai, mugonzwa kureva kwangu.

24 Zuva rose murimi anorimira kudzvara here? Anozarura nekuputsa mavhinga ivhu rake here?

25 Hazvina kudaro here, aenzanisa chiso chawo, kuti akushe kumini tema, nekukusha kumini, nekuisa gorosi mumitsara, nebhari yakatarwa, nesipereti kumativi awo here?

26 Nokuti Mwari wake anomuzivisa nenzira, anomudzidzisa.

27 Nokuti kumini tema haipurwi nemupuro unopinza, kana vhiri rengoro kukunguruswa pamusoro pekumini; asi kumini tema inopurwa netsvimbo, nekumini neshamhu.

28Zviyo zvechingwa zvinokuyiwa, nokuti haangarambi achingozvipura-pura; ndokuapwanya nevhiri rengoro yake, uye haangaakuyi nemabhiza ake.

29 Neizvi zvinobva kuna Jehovha wehondo; anoshamisa pazano, mukuru pakushanda.