ShonaTeam Isaiah « 26 »

Rwiyo ruchaimbiwa panyika yaJudha

26Nezuva iro rwiyo urwu ruchaimbiwa panyika yaJudha: Tine guta rakasimba; Mwari achamisa ruponeso kuva masvingo nedzinhare.

2 Zarurai masuwo, kuti rudzi rwakarurama rwunochengetedza kutendeka kukuru rwupinde.

3 Uchamuchengeta parugare rwakakwana, pfungwa dzake dzimire pamusoro pako, nokuti anovimba nemwi.

4 Vimbai naJehovha kusvika nekusingaperi, nokuti muna Ishe Jehovha mune dombo rekusingaperi-peri.

5 Nokuti anoderedza pasi vagari vepakakwirira, guta rakakwirira; anoriisa pakaderera, anoriisa pakaderera kusvika pavhu; anorisvitsa muguruva.

6 Rutsoka rwucharitsikira-tsikira pasi, tsoka dzemurombo, nhanho dzevanoshaiwa.

7 Nzira yewakarurama kururama; iwe wakarurama, unoyera gwara rewakarurama.

8 Zvirokwazvo, panzira yemitongo yenyu, Jehovha, takakumirirai; chishuwo chemweya weupenyu wedu chiri pazita renyu nepachirangaridzo chenyu.

9Nemweya weupenyu wangu ndakakushuvai neusiku; uye nemoyo wangu mukati mangu ndakakutsvakai kwazvo; nokuti mitongo yenyu painenge iri panyika, vagari vepanyika vachadzidza kururama.

10 Wakaipa akawanirwa nyasha haadzidzi kururama; munyika yakarurama zvikuru achaita zvakaipa, uye haangaoni ukuru hwaJehovha.

11 Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzwa, havangaoni; asi vachaona, vagonyara nekushingaira pamusoro pevanhu; kutsamwa kwemoto wevavengi venyu kuchavapedza.

12 Jehovha, muchatimisira rugare, nokuti nemwi makatiitira mabasa edu ose.

13 Jehovha Mwari wedu, amwe madzishe kunze kwenyu akambotitonga; asi nekuda kwenyu moga ticharangarira zita renyu.

14 Vakafa havangararami; mweya yakafa haingamuki; naizvozvo imwi makavashanyira, mukavaparadza, makapedza kurangarirwa kwawo kose.

15 Mawanza rudzi, Jehovha, mawanza rudzi, munokudzwa; mabvisira kure kumiganhu yose yenyika.

16 Jehovha, pakutambudzika vakakushanyirai; vakadurura munyengetero kuranga kwenyu pakunenge kuri pamusoro pavo.

17 Semukadzi ane pamuviri aswederwa nekupona, ari pakurwadziwa, achichema pakurwadziwa kwake, takava saizvozvo pachiso chenyu, Jehovha.

18 Takabata mimba, takarwadziwa, takabereka mhepo. Hatina kuita ruponeso rukuru panyika, uye vagari vepanyika havana kuwa.

19 Vakafa venyu vachararama, chitunha changu, vachamuka. Mukai mudanidzire nemufaro, imwi mugere muguruva, nokuti dova renyu idova remirivo; uye nyika ichabudisa mweya yakafa.

20 Fambai vanhu vangu, mupinde mumakamuri enyu, mupfige misuwo yenyu shure kwenyu, muvande sepachinguvana, kusvika kutsamwa kwapfuura.

21 Nokuti tarirai, Jehovha anobuda panzvimbo yake kuti atsive uipi hwevagari vepanyika pamusoro pavo; uye nyika ichafukura ropa rayo, ikasazofukidzazve vakaurawa vayo.