ShonaTeam Isaiah « 25 »

Rwiyo rwekurumbidza Jehovha

25Jehovha, muri Mwari wangu! Ndichakusimudzirai, ndirumbidze zita renyu, nokuti makaita chinoshamisa; mazano ekare ane kutendeka uye chokwadi.

2 Nokuti makaita guta rive churu, guta rakashoshewa rive dongo; nzvimbo yakakwirira yevatorwa isava guta; haringavakwi kusvika rinhi narinhi.

3 Naizvozvo vanhu vane simba vachakurumbidzai; guta remarudzi anotyisa richakutyai.

4 Nokuti manga muri simba kumurombo, simba kune anoshaiwa pakutambudzika kwake, uvando kubva kudutu remhepo ine mvura, mumvuri pakupisa, kana mhepo yevanotyisa ichiita sedutu remhepo ine mvura parusvingo.

5 Muchaderedza ruzha rwevatorwa sekupisa panzvimbo yakaoma; sezvinoitwa kupisa nemumvuri wegore, rwiyo rwevane utsinye rwuchaderedzwa.

6 Zvino pagomo iri Jehovha wehondo achaitira vanhu vose mabiko ezvinhu zvakakora, mabiko ewaini zhinji pamasese, ezvinhu zvakakora zvizere nemongo, wewaini zhinji pamasese yakasvinwa zvakanaka.

7 Zvino achamedza pagomo iri chiso chebutiro rakaputira vanhu vose, nechifukidzo chakawaridzwa pamusoro pemarudzi ose.

8 Wakamedza rufu mukukunda; uye Ishe Jehovha achapusika misodzi kubva pazviso zvose; nekushoorwa kwevanhu vake achabvisa pasi pose; nokuti Jehovha wataura.

9 Zvino nezuva iro kuchanzi: Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takamumirira, uye achatiponesa; uyu ndiJehovha; takamumirira; tichafara nekupembera muruponeso rwake.

10 Nokuti ruoko rwaJehovha ruchazorora pagomo iri; naMoabhu vachatsikirwa pasi pake, semajanga akaunganidzwa anotsikirwa mugomba remupfudze.

11 Zvino achatandavadzira maoko ake pakati paro, sekutandavadza kunoita mushambiri kuti ashambire; uye achaderedza kuzvikudza kwaro pamwe chete nekuvandira kwemaoko aro.

12 Zvino nhare yakakwirira yemasvingo enyu achaiputsira pasi, aideredze pasi, aisvitse muvhu muguruva.