ShonaTeam Isaiah « 24 »

Kutonga kwaJehovha

24Tarirai, Jehovha anoita nyika ive pasina, anoiita ive dongo, nekushonyorora chiso chayo, nekuparadzira vagari vayo.

2 Zvino zvichaita, semunhu wakadaro mupristi, semuranda wakadaro tenzi, semushandikadzi vakadaro vahosi vake, semutengi wakadaro mutengesi, semukweretesi wakadaro mukwereti, semutori wechibatiso wakadaro mubatisi kwaari.

3 Nyika ichaparadzwa zvekuparadzwa, uye ichapambwa zvekupambwa, nokuti Jehovha wakataura shoko iri.

4 Nyika inochema inosvava; pasi pabvuruvara pasvava; vepanzvimbo dzakakwirira vevanhu vepanyika vanopera simba.

5 Nyika yakasvibiswawo pasi pevagari vayo; nokuti vakadarika mirairo, vashandura mutemo, vaputsa sungano yekusingaperi.

6 Naizvozvo chakatukwa chapedza nyika, nevageremo vaparara. Naizvozvo vagari vepanyika vapiswa, uye kwasara vanhu vashoma.

7 Waini itsva inochema; muzambiringa wapera simba; vose vane moyo unofara vanogomera.

8 Mufaro wembira wopera; ruzha rwevanofara rwopera; mufaro wembira wopera.

9 Havanganwi waini nerwiyo; zvinwiwa zvinodhaka zvichavava kune vanozvinwa.

10 Guta rekuparara raputsika; imba imwe neimwe yavharwa kuti musapindwa.

11 Kunochemerwa waini munzira dzemumisha; mufaro wose wasvibiridzwa; kupembera kwenyika kwanyangarika.

12 Muguta masara dongo; nesuwo rarohwa raparadzwa.

13 Nokuti zvichava saizvozvo pakati penyika, pakati pemarudzi, sekuzuzwa kwemuorivhi, sekufuhurudza goho remazambiringa parinenge rapera.

14 Ivo vachasimudza inzwi ravo; vachaimbira ukuru hwaJehovha; vagodanidzira vari pagungwa.

15 Saka rumbidzai Jehovha kumabvazuva, pazviwi zvegungwa, zita raJehovha, Mwari waIsraeri.

16 Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumugumo wenyika; vakarurama ngavakudzwe! Asi ndakati: Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! Vanyepedzeri vakaita nekunyengera; zvirokwazvo, vanyepedzeri vakaita nekunyengera kukuru.

17 Kutya negomba nemusungo zviri pamusoro pako, iwe mugari wepanyika.

18 Zvino zvichaita, anotiza bope rekutyisa, achawira mugomba; uye anokwira achibva mukati megomba, achabatwa nemusungo; nokuti mahwindo ekumusoro azarurwa, nenheyo dzenyika dzinodedera.

19 Nyika yaputswa chose, nyika yodedera chose, nyika yozununguswa chose.

20 Nyika ichadzedzereka chose sechidhakwa, uye ichadengenyeka sedumba; uye kudarika kwayo kucharema pamusoro payo; zvino ichawa, ikasasimukazve.

21 Zvino zvichaitika nezuva iro Jehovha achashanya pahondo yewakakudzwa ari kumusoro, nepamadzimambo enyika panyika.

22 Vachaunganidzwa pamwe chete, sezvinounganidzwa vasungwa mugomba, vachapfigirwa mutirongo; zvino shure kwemazuva mazhinji vachashanyirwa.

23 Ipapo mwedzi uchanyadziswa, nezuva richanyara; nokuti Jehovha wehondo achabata ushe pagomo reZiyoni, nepaJerusarema; uye pamberi pevakuru vake pachava nekukudzwa.