ShonaTeam Isaiah « 22 »

Mutoro weJerusarema

22Mutoro wemupata wechiratidzo. Chii kwauri, ikozvino, zvawakwira, vose vako, pamusoro pematenga edzimba?

2 Iwe uzere nemipururu, guta rine ruzha, musha une mufaro; vakaurawa vako havana kuurawa nemunondo, uye havana kufira muhondo.

3 Vatongi vako vose vakatiza pamwe chete; vakasungwa nevafuri; vose vakawanikwa kwauri vakasungwa pamwe chete; vakatiza kubva kure.

4 Naizvozvo ndakati: Bvisai meso kwandiri; ndinorwadziwa pakuchema kwangu; musakurumidza kundinyaradza nekuda kwekuparara kwemukunda wevanhu vangu.

5 Nokuti izuva remhirizhonga, nerekutsikira pasi, nerekusagadzikana, kwaIshe Jehovha wehondo, mumupata wechiratidzo, rekuputsira pasi rusvingo, nerekudanidzira kugomo.

6 Nokuti Erami wakabata goba, pamwe chete nengoro yevanhu, vatasvi vemabhiza; uye Kiri wakafudugura nhovo.

7 Zvino zvichaitika, mipata yako yakasarudzwa ichazara nengoro, uye vatasvi vemabhiza vachazvimisa zvekuzvimisa pasuwo.

8 Zvino iye achafudugura chifukidzo chaJudha; uye nezuva iro iwe uchatarisa zvombo zveimba yemusango.

9 Zvino muchaona mitsemu yeguta raDhavhidhi, kuti pachava pakawanda; uye muchaunganidza mvura dzedziva rezasi.

10 Zvino muchaverenga dzimba dzeJerusarema, mugoputsa dzimba kuti musimbise rusvingo.

11 Muchaitawo dziva pakati pemasvingo maviri, remvura dzedivi rekare. Asi hamuzotariri kune wakazviita, uye hamuzooni iye wakariumba kare-kare.

12 Zvino nezuva iro Ishe Jehovha wehondo achadanidzira mariro, nekuchema, nekuvevurwa kwemisoro, nekusunga zviuno nenguvo yesaga.

13 Asi tarirai, mufaro, nekupembera, kubayiwa kwemombe, nekushinjiwa kwemakwai, kudyiwa kwenyama, nekunwiwa kwewaini, muchiti: Ngatidye tinwe, nokuti mangwana tinofa.

14 Asi Jehovha wehondo wakaratidza munzeve dzangu, akati: Zvirokwazvo, chitadzo ichi hachingayananisirwi kwamuri kusvika mafa; anoreva Ishe Jehovha wehondo.

Eriakimi achapinda pachinzvimbo chaShebhina

15 Anoreva seizvi Ishe Jehovha wehondo: Enda upinde kumuchengeti uyu wefuma, kuna Shebhina, ari pamusoro pezveimba, uti:

16 Unei pano? Uye una ani pano? Zvawazvivezera guva pano, seanozvivezera guva rake pakakwirira, uchifombora ugaro hwake muibwe!

17 Tarira, Jehovha achakupotsera kure sekupotsera kwemurume, achakupeta-peta.

18 Zvino achakupomba-pomba, sebhora rakamoneredzwa munyika yakapamhama; ndipo pauchafira, uye ndipo ngoro dzembiri yako padzichava chinyadzo cheimba yatenzi wako.

19 Zvino ndichakusudurusa kubva pachinzvimbo chako, uye kubva pabasa rako achakukanda pasi.

20 Zvino zvichaitika nezuva iro kuti ndichadana muranda wangu, Eriakimi mwanakomana waHirikiya.

21 Uye ndichamufukidza nguvo refu yako, nekumusimbisa nebhanhire rako, uye ndichapa ushe hwako muruoko rwake; uye achava baba kuvagari veJerusarema nekuimba yaJudha.

22 Zvino ndichaisa kiyi yeimba yaDhavhidhi pafudzi rake; iye achazarura pakasava neanovhara, uye achavhara pakasava neanozarura.

23 Zvino ndichamurovera sembambo panzvimbo yakasimba; uye achava chigaro cheushe cherukudzo kuimba yababa vake.

24 Vachaturika paari rukudzo rwose rweimba yababa vake, chizvarwa, nembeu, midziyo yose midiki, kubva pamudziyo wemikombe kusvika pamidziyo yose yemakate.

25 Nezuva iro, anoreva Jehovha wehondo, mbambo yakaroverwa panzvimbo yakasimba ichabviswa, uye ichatemerwa pasi ndokuwa; nemutoro uri pairi uchatemwa; nokuti Jehovha wataura.