ShonaTeam Isaiah « 21 »

Mutoro weBhabhironi

21Mutoro werenje regungwa. Sezvamupupuri kuchamhembe zvinopfuura, zvinobva kurenje, kunyika inotyisa.

2 Ndakaziviswa chiratidzo chakaoma; munyengeri anoita neunyengeri, nemuparadzi anoparadza. Kwira iwe Erami, komba iwe Medhiya. Ndagumisa kugomera kwavo kose.

3 Naizvozvo zviuno zvangu zvizere kurwadziwa; marwadzo andibata semarwadzo emukadzi ari kusununguka; ndakotamiswa nekuda kwekunzwa, ndavhiringidzika nekuona.

4 Moyo wangu wadzungaira; kubvunda kwandityisa; rubvunzavaeni rwandaishuva wakarwuita kudedera kwangu.

5 Gadzira tafura, rinda pashongwe yekurinda, idya, inwa; simukai, imwi misoro, zodzai nhovo.

6 Nokuti anoreva seizvi Ishe kwandiri: Enda unomisa murindi, ngaareve chaanoona.

7 Zvino wakaona ngoro, vatasvi vemabhiza vaviri, ngoro yembongoro, ngoro yekamera; zvino wakateerera kwazvo, kuteerera kukuru.

8 Zvino wakadanidzira: Shumba. Ishe, ndimire nguva dzose pashongwe yekurinda pamasikati, uye pachirindo changu ini ndimire usiku hwose.

9 Zvino tarirai, heyi ngoro yevanhu inouya, vatasvi vemabhiza vaviri. Zvino akapindura akati: Rawa! Rawa! Bhabhironi; nezvifananidzo zvose zvakavezwa zvavamwari varo wazviputsira pasi.

10 Zvakapurwa zvangu, nezviyo zveburiro rangu; zvandakanzwa kuna Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, zvandakazivisa kwamuri.

Mutoro weDhuma

11 Mutoro weDhuma. Anondidana ari paSeiri, achiti: Murindi, zvakadini neusiku? Murindi, zvakadini neusiku?

12 Murindi ndokuti: Mambakwedza osvika, neusikuwo. Kana muchibvunza, bvunzai; dzokai, uyai.

Mutoro weArabhiya

13 Mutoro weArabhiya. Mucharara usiku musango reArabhiya, imwi mapoka evafambi veDhedhani.

14 Vigirai ane nyota mvura! Vagari venyika yeTema vakachingamidza mutizi nechingwa chavo.

15 Nokuti vakatiza minondo, munondo wakavhomorwa, neuta hwakakungwa, neuremu hwehondo.

16 Nokuti Ishe wakareva seizvi kwandiri: Muchiri mugore, semakore emushandi wakahaiwa, mbiri yose yeKedhari ichapera.

17 Nevakasara veuwandu hwevafuri veuta, vanhu vane simba vevanakomana veKedhari, vachava vashoma. Nokuti Jehovha Mwari waIsraeri wataura.