ShonaTeam Isaiah « 20 »

VaAsiriya vachakunda Egipita neItiyopiya

20Negore rekusvika kwaTaritani paAshidhodhi, Sarigoni mambo weAsiriya paakamutuma, akarwa neAshidhodhi ndokuritapa;

2 panguva iyo Jehovha wakataura neruoko rwaIsaya mwanakomana waAmozi, achiti: Enda, unosunungura nguvo yesaga kubva pazviuno zvako, ubvise nyatera rako kubva parutsoka rwako. Zvino wakaita saizvozvo achifamba akashama uye asina manyatera.

3 Zvino Jehovha wakati: Muranda wangu Isaya sezvaakafamba akashama uye asina manyatera makore matatu, chiratidzo nechishamiso kuEgipita nekuItiyopiya;

4 saizvozvo mambo weAsiriya achatinha vatapwa veEgipita nevakadzingwa veItiyopiya, vadiki nevakuru, vakashama uye vasina manyatera uye magaro ari pachena, chive chinyadzo cheEgipita.

5 Zvino vachavhunduka vakanyara pamusoro peItiyopiya, chivimbo chavo, nepaEgipita runako rwavo.

6 Zvino mugari wechitsuwa ichi achati nezuva iro: Tarirai, chakadaro chivimbo chedu, chatichatizira kwachiri rubatsiro kuti tisunungurwe pachiso chamambo weAsiriya; zvino isu tichapukunyuka sei?