ShonaTeam Isaiah « 19 »

Mutoro weEgipita

19Mutoro weEgipita. Tarirai, Jehovha wakatasva gore rinomhanya, uye achauya kuEgipita; uye zvifananidzo zveEgipita zvichazungunuswa pamberi pake, nemoyo weEgipita uchanyauka mukati mawo.

2 Zvino ndichamutsa vaEgipita kurwisa vaEgipita, kuti varwe, umwe neumwe achirwisa hama yake, uye umwe neumwe achirwisana nemuvakidzani wake, guta richirwisana neguta, ushe huchirwisana neushe.

3 Zvino mweya weEgipita uchadururwa mukati mawo; uye ndichamedza zano rawo; uye vachabvunza zvifananidzo zvavo nemasvikiro nevavuki nen'anga.

4 Zvino ndichakumikidza vaEgipita muruoko rwatenzi wakaomarara, zvino mambo ane simba achatonga pamusoro pavo, anoreva Ishe Jehovha wehondo.

5 Mvura zhinji yegungwa ichapwa, uye rwizi ruchaderera nekuoma.

6 Zvino vacharamba nzizi; hova dzeEgipita dzichatapuka nekupwa; tsanga nenhokwe zvichasvava.

7 Nhokwe dzebani pamuromo wenzizi, nezvose zvakadzvarwa panzizi, zvichasvava, zvichapepereswa, zvikasazovapo.

8 Zvino vabati vehove vachachema, uye vose vanokandira zviredzo munzizi vachaungudza, nevanotandira mumbure pachiso chemvura zhinji vachapera simba.

9 Zvino vabati vefirakisi yakapfava nevaruki vezvichena vachanyadziswa.

10 Zvino nheyo dzayo dzose dzichatswanyiwa; uye varume vanoshandira mubairo vachashungurudzika pamweya.

11 Zvirokwazvo machinda eZoani mapenzi; zano revakachenjera vevapi vemazano vaFarao rava upenzi. Munoreva sei kuna Farao muchiti: Ndiri mwanakomana wevakachenjera, mwanakomana wemadzimambo ekare?

12 Zvino varipi vakachenjera vako? Hongu, ngavakuudze, ngavazive Jehovha wehondo zvaakananga pamusoro peEgipita.

13 Machinda eZoani ava mapenzi; machinda eNofi akanyengerwa; vachatsausa Egipita, mbiru yemarudzi ayo.

14 Jehovha wakavhenganisa mukati mavo mweya wekutsauka; uye vakatsausa Egipita pabasa rayo rose, sechidhakwa chinodzedzereka mukurutsa kwacho.

15 Zvino hapangavi nebasa kuEgipita, musoro kana muswe, davi kana nhokwe razvingaita.

16 Nezuva iro Egipita richava sevakadzi; uye richadedera nekutya nekuda kwekuzungunuka kweruoko rwaJehovha wehondo rwaakazungunusa pamusoro paro.

17 Zvino nyika yaJudha ichava chityiso kuEgipita; umwe neumwe achataura nezvayo achavhunduka pachake nekuda kwezano raJehovha wehondo, raakatema kuvarwisa.

18 Nezuva iro maguta mashanu achavapo panyika yeEgipita, anotaura rurimi rweKenani, nekupika naJehovha wehondo; umwe achatumidzwa: Guta rekuparadzwa.

19 Nezuva iro pachava nearitari pakati penyika yeEgipita kuna Jehovha, nembiru pamuganhu waro kuna Jehovha.

20 Zvino zvichava chiratidzo nechapupu kuna Jehovha wehondo panyika yeEgipita; nokuti vachadanidzira kuna Jehovha nekuda kwevamanikidzi; uye achavatumira muponesi uye mukuru, agovanunura.

21 Zvino Jehovha achazikanwa kuEgipita, nevaEgipita vachaziva Jehovha nezuva iro; vachaita chibairo nechipo, nekupikira Jehovha mhiko, nekuizadzisa.

22 Zvino Jehovha acharova Egipita, achirova nekurapa; uye vachadzokera kuna Jehovha; iye achanyengetedzeka navo ndokuvaporesa.

23 Nezuva iro pachava nenzira huru inobva Egipita ichienda Asiriya; kuti vaAsiriya vauye kuEgipita, nevaEgipita kuAsiriya; uye vaEgipita vachanamata pamwe nevaAsiriya.

24 Nezuva iro Israeri uchava wetatu pamwe neEgipita uye pamwe neAsiriya, ropafadzo mukati menyika.

25 Jehovha wehondo waacharopafadza achiti: Rakaropafadzwa Egipita vanhu vangu, neAsiriya basa remaoko angu, naIsraeri nhaka yangu.