ShonaTeam Isaiah « 18 »

18Haiwa, nyika inovirira mapapiro, iri mhiri kwenzizi dzeItiyopiya,

2 inotuma vatumwa nemugungwa nemumagwa enhokwe pamusoro pemvura! Endai, nhume dzinokurumidza, muende kurudzi rwakareba uye rwunotsvedzerera paganda, kurudzi rwunotyisa, kubva apo zvichienda mberi, rudzi rwune simba zhinji rwunotsika-tsika pasi, rwune nyika inokamura nzizi.

3 Imwi mose vagari vepanyika, nemwi mugere panyika: Tarirai panosimudzwa mureza pamakomo; uye inzwai panoridzwa hwamanda!

4 Nokuti Jehovha wakareva seizvi kwandiri: Ndichanyarara, ndichatarira ndiri paugaro hwangu, sekupisa kwakachena nekuda kwechiedza, segore redova pakupisa kwekukohwa.

5 Nokuti kukohwa kusati kwavapo, ruva rakwana, uye chibereko chemuzambiringa usina kuibva chinoibva shure kwemaruva, zvino achagura mabukira nemapanga ekuchekerera, abvise matavi, amateme.

6 Zvichasiiwa pamwe zvive zvemagora emakomo, nezvemhuka dzepanyika, uye magora achapedza chirimo pamusoro pazvo, nemhuka dzose dzepanyika dzichapedzera chando pamusoro pazvo.

7 Nenguva iyo kuchaunzwa chipo kuna Jehovha wehondo, kurudzi rwakareba uye rwunotsvedzerera paganda, uye kurudzi rwunotyisa, kubva apo zvichienda mberi, rudzi rwune simba zhinji rwunotsika-tsika pasi, rwune nyika inokamura nzizi, chiende kunzvimbo yezita raJehovha wehondo, gomo reZiyoni.