ShonaTeam Isaiah « 17 »

Mutoro weDhamasiko

17Mutoro weDhamasiko. Tarirai, Dhamasiko richabviswa kubva pakuva guta, asi richava dongo rakakoromoka.

2 Maguta eAroeri asiiwa; achava emapoka ezvipfuwo, zvicharara pasi uye hapangavi nemutyityidziri.

3 Nhare ichaperawo pana Efuremu, neumambo paDhamasiko nevakasara veSiriya; vachava sembiri yevana vaIsraeri, anoreva Jehovha wehondo.

4 Zvino zvichaitika nezuva iro, rukudzo rwaJakove rwuchatetepeswa, uye kukora kwenyama yake kuchaonda.

5 Zvino zvichava sepanounganidza munhu zviyo zvimire, ruoko rwake runocheka hura; zvirokwazvo, zvichava semunhu anononga hura pamupata weRefaimi.

6 Zvakadaro zvifuhurudzwa zvichasaramo, sekuzuzwa kwemuorivhi, maorivhi maviri matatu panhongonya yedavi repamusoro, mana mashanu pamatavi awo anobereka, anoreva Jehovha, Mwari waIsraeri.

7 Nezuva iro munhu achatarisa kuMuiti wake, uye meso ake achatarisa kuMutsvene waIsraeri.

8 Zvino haangatarisi kudziaritari, basa remaoko ake, uye haangaoni minwe yake zvayakaita, kana matanda ekunamata nawo kana mifananidzo yezuva.

9 Nezuva iro maguta esimba rake achava sechinhu chakasiiwa chesango, nedavi repamusoro ravakasiya, nekuda kwevanakomana vaIsraeri; uye pachava dongo.

10 Nokuti wakanganwa Mwari weruponeso rwako, uye hauna kurangarira dombo resimba rako; naizvozvo uchadzvara miti inofadza, uye uchaisima nemabukira ekumwe.

11 Nezuva rekusima kwako uchaikudza, uye mangwanani unotumbusa mbeu yako; goho richava dutu nezuva reurwere nemarwadzo asingarapiki.

Kuparadzwa kwevaAsiriya

12 Haiwa kuchaunga chevanhu vazhinji, vanotinhira sekutinhira kwegungwa, nekuririma kwemarudzi anoririma semutinhiro wemvura zhinji!

13 Marudzi acharirima sekuririma kwemvura zhinji; asi uchavatsiura kuti vatizire kure; hongu vadzingirirwe sehundi yemakomo pamberi pemhepo, uye sechinokunguruka pamberi pedutu remhepo.

14 Nenguva yemadekwani, tarirai, kutyisa; kusati kwaedza haachipo. Ndiwo mugove wevanotipambara, nemujenya wevanotibira.