ShonaTeam Isaiah « 16 »

16Tumirai gwayana kumutongi wenyika, kubva kuSera kuenda kurenje, kugomo remukunda weZiyoni.

2 Nokuti zvichaita seshiri inodzungaira yadzingwa mudendere, vakunda vaMoabhu vachava pamazambuko aArinoni.

3 Uisai zano; itai mutongo; itai mumvuri wenyu seusiku pakati pemasikati makuru; vigai vakarashwa; musabudisa pachena mudzungairi.

4 Vakarashwa vangu ngavagare sevatorwa pakati pako, Moabhu; iva uvando kwavari, kubva pachiso chemuparadzi; nokuti mumanikidzi waguma, muparadzi wapera, anotsikira pasi wapedzwa panyika.

5 Zvino chigaro cheushe chichamiswa neunyoro; uye achagara pachiri neuchokwadi, mutende raDhavhidhi, achitonga nekutsvaka mutongo, uye kukurumidzira kururama.

6 Takanzwa zvekuzvikudza kwaMoabhu, anodada zvikuru, manyawi ake, nekuzvikudza kwake, nehasha dzake; asi kuropota kwake hakuna kudaro.

7 Naizvozvo Moabhu achaungudzira Moabhu; vose vachaungudza; muchachemera mapundu emazambiringa eKiri-Hareseti, zvirokwazvo varohwa.

8 Nokuti minda yeHeshibhoni yasvava, nemuzambiringa weSibhima; madzishe emarudzi arovera pasi matavi awo akanakisisa, asenerera muJazeri, adzungaira murenje; matavi awo azvitandavadza, ayambuka gungwa.

9 Nekuda kweizvozvi ndinochema misodzi nekuchema misodzi kwaJazeri pamusoro pemuzambiringa weSibhima; ndichakudiridza nemisodzi yangu, iwe Heshibhoni neEreare; nokuti kupururudzira zvibereko zvako zvezhizha nekukohwa kwako kwawa.

10 Kupembera nemufaro zvabviswa pamunda unobereka; uye muminda yemizambiringa havaimbi, havadanidziri; musvini haasvini waini muzvisviniro; ndagumisa mupururu.

11 Naizvozvo ura hwangu pamusoro paMoabhu hwunorira sembira, nezvemukati zvangu pamusoro peKiri-Heresi.

12 Zvino zvichaitika kana kwaonekwa kuti Moabhu waneta panzvimbo yakakwirira, ipapo achapinda paimba yake tsvene kunonyengetera, asi haangakundi.

13 Iri ishoko Jehovha raakataura pamusoro paMoabhu kubva panguva iyo.

14 Asi ikozvino Jehovha anotaura achiti: Mumakore matatu, semakore emushandi wakahaiwa, rukudzo rwaMoabhu rwuchazvidzwa, pamwe chete nechaunga chose chikuru; uye vakasara vachava vashoma, vadiki, vasina simba.