ShonaTeam Isaiah « 15 »

Mutoro waMoabhu

15Mutoro waMoabhu. Nokuti neusiku Ari reMoabhu rakaparadzwa, rakagurwa. Nokuti neusiku Kiri reMoabhu rakaparadzwa, rakagurwa.

2 Vakwira kuBhayiti, nekuDhibhoni, nzvimbo dzakakwirira, kunochema; Moabhu achaungudzira Nebho neMedhebha; misoro yavo yose ichava nemhanza, ndebvu imwe neimwe yakavevurwa.

3 Panzira dzavo dzemumisha vachazvisunga zviuno nemasaga; pamusoro pedzimba dzavo nemunzira dzavo dzemumisha umwe neumwe achaungudza, vachiburuka vachichema misodzi.

4 Zvino Heshibhoni neEreare anodanidzira; inzwi ravo rinonzwikwa kusvika kuJahazi; naizvozvo vane zvombo vaMoabhu vanodanidzira; mweya wake unodedera mukati make.

5 Moyo wangu unochemera Moabhu; vatizi vake vanosenerera kuZoari, tsiru remakore matatu; nokuti mukwidza weRuhiti vakaukwira vachichema misodzi; nokuti munzira yeHoronaimi vanosimudza kuchema kwekuparadza.

6 Nokuti mvura zhinji yeNimirimi ichava kuparara kukuru; nokuti uswa hwasvava, bumhudza rapera, hapana chinomera chitema.

7 Naizvozvo kuwanda kwavakaita nefuma yavo vachazvitakurira kurukova rwemikonachando.

8 Nokuti kuchema kwakapoteredza miganhu yaMoabhu, kuungudza kwake kusvika kuEgiraimi, hongu, kuungudza kwake kusvika paBheeri-Erimi.

9 Nokuti mvura zhinji yeDhimoni izere neropa; nokuti ndichatarira Dhimoni zvimwezve, shumba kune vakapukunyuka vaMoabhu, nekune vakasara venyika.