ShonaTeam Isaiah « 14 »

14Nokuti Jehovha achanzwira Jakove tsitsi, achasanangurazve Israeri, ndokuvaisa panyika yekwavo; nevatorwa vachasangana navo, uye vachanamatira kuimba yaJakove.

2 Zvino vanhu vachavatora ndokuvaisa panzvimbo yavo; uye imba yaIsraeri ichavapfuwa panyika yaJehovha kuva varandarume nevarandakadzi; vagova vatapwa vevatapi vavo, uye vachatonga pamusoro pevamanikidzi vavo.

3 Zvino zvichaitika pazuva Jehovha raachapa zororo kwauri kubva pakurwadziwa kwako, nepadambudziko rako, nepauranda hwakaoma hwawakashandiswa nahwo,

4 uchasimudza dimikira iri pamusoro pamambo weBhabhironi, uchiti: Mumanikidzi wapera sei! Guta regoridhe rapera sei!

5 Jehovha wavhuna mudonzvo wevakaipa, tsvimbo yeushe yevatongi.

6 Iye wakarova vanhu mukutsamwa nekurova kusingaperi, iye waitonga marudzi nehasha, wadzingirirwa pasina anodzivisa.

7 Nyika yose yazorora, yanyarara; vanodambuka kuimba.

8 Nemisipiresi inofara nekuda kwako, misidhari yeRebhanoni, ichiti: Chinguva chawarara pasi, hakuna mutemi anokwira kwatiri.

9 Gehena pasi rakanyonganiswa newe, kuchingamidza kupinda kwako; rakakumutsira mweya yakafa, nhongo dzose dzenyika; rakasimudza madzimambo ose emarudzi kubva pazvigaro zvawo zveushe.

10 Vose vachapindura vati kwauri: Newe hauchina simba sesu; wafanana nesu.

11 Kuzvikudza kwako kwaderedzerwa mugehena, nekurira kwembira dzako; honye dzichawadzwa pasi pako, nemakonye anokufukidza.

12 Wawa zvakadini kubva kumatenga, iwe anopenya, mwanakomana wemambakwedza! Watemerwa sei pasi, iwe wekuwisira marudzi pasi!

13 Iwe ndokuti mumoyo mako: Ndichakwira kumatenga; ndichakwiridza chigaro changu cheushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; zvino ndichagara pamusoro pegomo reungano, kumativi ekumaodzanyemba;

14 ndichakwira kumusoro kwenzvimbo dzakakwirira dzemakore; ndichazvienzanisa neWekumusoro-soro.

15 Zvakadaro uchaderedzerwa kugehena, kumativi egomba.

16 Vanokuona vachakucherekedza, vachakutarira, vachiti: Ndiye here munhu uyu aidederesa nyika, aizunungusa umambo uzhinji,

17 wakaitisa nyika serenje, uye wakaparadza maguta avo, asina kuzarurira vasungwa vake vaende kumusha?

18 Madzimambo ose emarudzi, ose zvawo, anorara nerukudzo, umwe neumwe mumba make.

19 Asi iwe wakakandwa panze kubva muguva rako sedavi rinonyangadza, mucheka wevakaurawa, vakabaiwa nemunondo, vanoburukira kumabwe egomba, sechitunha chinotsikirwa pasi.

20 Haungabatanidzwi navo pakuvigwa, nokuti wakaparadza nyika yako, wakauraya vanhu vako; mbeu yevaiti vezvakaipa haingatumidzwi kusvika rinhi narinhi.

21 Gadzirirai kuurawa kwevana vavo nekuda kweuipi hwemadzibaba avo, kuti vasamuka vagare nhaka yenyika, kana kuzadza chiso chenyika nemaguta.

22 Nokuti ndichavamukira, anoreva Jehovha wehondo: Ndigogura kubvisa zita muBhabhironi, nevakasara, nemwanakomana nemuzukuru, anoreva Jehovha.

23 Ndichariita nzvimbo yenungu uye madziva emvura; uye ndicharitsvaira nemutsvairo wekuparadza, anoreva Jehovha wehondo.

Chirevo pamusoro pevaAsiriya

24 Jehovha wehondo wakapika achiti: Zvirokwazvo, sekufunga kwangu, zvichava saizvozvo, uye sezvandakananga, izvo zvichamira.

25 Kuti ndivhune muAsiriya munyika yangu, ndimutsikire pasi pamusoro pemakomo angu, zvino joko rake richabva pavari, nemutoro wake ubve pamafudzi avo.

26 Ichi chinangwa chakatemerwa nyika yose; uye urwu ruoko rwakatandavadzirwa pamusoro pemarudzi ose.

27 Nokuti Jehovha wehondo wakatema; zvino ndiani angatendeudza? Zvino ruoko rwake rwakatandavadzwa; uye ndiani angarudzosa kumashure?

Chirevo pamusoro pevaFirisitia

28 Negore rekufa kwamambo Ahazi kwakava nemutoro uyu:

29 Usafara, iwe Firisitia wose, nokuti shamhu yakakurova yadambuka; nokuti kubva mumudzi wenyoka kuchabuda mvumbi, uye chibereko chayo chichava nyoka yemoto inobururuka.

30 Uye matangwe evarombo achafura, uye vanoshaya vacharara vakachengeteka; zvino ndichauraya mudzi wako nenzara, uye achauraya vakasara vako.

31 Ungudza, iwe suwo; chema, iwe guta; wanyauka iwe Firistia wose; nokuti utsi hwauya kubva kumaodzanyemba, zvino hapana achava oga panzvimbo dzake dzakatarwa.

32 Zvino nhume dzerudzi vachadzipindurei? Kuti Jehovha wakateya Ziyoni, uye varombo varo vachavimba naro.