ShonaTeam Isaiah « 12 »

Rwiyo rwekuvonga

12Nezuva iro achati: Ndinokuvongai Jehovha; kunyange maiva makanditsamwira, kutsamwa kwenyu kwakadzorwa, uye mandinyaradza.

2 Tarirai, Mwari ruponeso rwangu; ndichavimba ndisingatyi; nokuti Jehovha, Jehovha isimba rangu nerwiyo; iye wava ruponeso rwangu.

3 Naizvozvo nemufaro muchachera mvura kubva muzvitubu zveruponeso.

4 Zvino nezuva iro muchati: Vongai Jehovha, danai zita rake, zivisai zviito zvake pakati pemarudzi, mudanidzire kuti zita rake rikwirire.

5 Imbirai Jehovha; nokuti wakaita zvinhu zvikuru kwazvo; izvi ngazvizikanwe panyika yose.

6 Danidzira upururudze, mugarikadzi weZiyoni; nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.