ShonaTeam Isaiah « 11 »

Ushe hwakanaka hwaMesiasi

11Zvino pahunde yaJese pachabuda davi, uye bukira rinomera pamidzi yake.

2 Zvino Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, Mweya wenjere nekunzwisisa, Mweya wezano nesimba, Mweya weruzivo newekutya Jehovha.

3 Hwema hwake huchava pakutya Jehovha; uye haangatongi nekuona kwemeso ake, uye haangatsiuri nekunzwa kwenzeve dzake.

4 Asi achatongera varombo nekururama, achitsiura vanyoro venyika pauchokwadi. Zvino acharova nyika netsvimbo yemuromo wake, uye nekufema kwemiromo yake achauraya wakaipa.

5 Zvino kururama kuchava bhanhire rechiuno chake, uye kutendeka kuchava bhanhire rezvidya zvake.

6 Nebumhi richagara negwayana; neingwe icharara pasi nembudzana, nemhuru nehando yeshumba nechakakora pamwe chete; uye mukomana mudiki achadzitungamirira.

7 Mhou nebere zvichafura; mhuru dzazvo dzicharara pamwe chete, uye shumba ichadya majanga senzombe.

8 Zvino mwana anoyamwa achatambira pamwena wenyoka, uye wakarumurwa achapinza ruoko rwake mubako remvumbi.

9 Hazvingaiti chakaipa uye hazvingaparadzi pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika ichazara nekuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura gungwa.

10 Zvino nezuva iro kuchava nemudzi waJese, uchamira kuva mureza wevanhu; marudzi achatsvaka kwauri, uye nzvimbo yawo yekuzorora ichava nembiri.

11 Zvino zvichaitika, pazuva iro, Ishe achashandisazve ruoko rwake rwechipiri, kudzosa vakasara vevanhu vake, vachasiiwa kubva kuAsiriya nekubva kuEgipita nekubva kuPatirosi nekubva kuItiyopiya nekubva kuErami nekubva kuShinari nekubva kuHamati nekubva kuzviwi zvegungwa.

12 Uye achasimudzira marudzi mureza, nekuunganidza vadzingwa vaIsraeri, nevakaparadzirwa vaJudha achaunganidza kubva kumigumo mina yenyika.

13 Negodo raEfuremu richabva, nevavengi vaJudha vachagurwa; Efuremu haangagodori Judha, naJudha haangamanikidzi Efuremu.

14 Asi vachabhururukira pamusoro pefudzi revaFirisitia kumavirazuva; vachapambara pamwe chete vana vemabvazuva; vachatambanudzira Edhomu naMoabhu ruoko rwavo; nevanakomana vaAmoni vachavateerera.

15 Uye Jehovha achaparadza chose rurimi rwegungwa reEgipita, achavheyesa ruoko rwake pamusoro perwizi nesimba remweya wake, arwurove rwuve hova nomwe, ayambuse vanhu neshangu.

16 Zvino kuchava nenzira huru yevakasara vevanhu vake, vakasara kubva kuAsiriya, sezvazvaiva zvakaita kwaIsraeri nezuva rekukwira kwake kubva kunyika yeEgipita.