ShonaTeam Isaiah « 10 »

10Nhamo kune vanotema mitemo yezvakaipa, nekuvanyori vanonyora dambudziko;

2 kutsausa varombo pamutongo, nekutora nechisimba mutongo wevarombo vevanhu vangu, kuti chirikadzi dzive vakapambiwa vavo, kuti vapambe nherera.

3 Asi muchaitei pazuva retsivo, nepakuparara kuchabva kure? Muchatizira kuna ani kurubatsiro? Uye muchasiyepi rukudzo rwenyu?

4 Kunze kwangu vachakotama pasi pevasungwa, uye vachawira pasi pevakaurawa. Pane zvose izvi, kutsamwa kwake hakungadzorwi, asi ruoko rwake rwakangotandavadzwa.

Kurohwa kwevaAsiriya

5 Nhamo kumuAsiriya, mudonzvo wekutsamwa kwangu, uye hasha dzangu itsvimbo muruoko rwavo!

6 Ndichamutumira kurudzi rusina Mwari, uye ndichamuraira kurwisa vanhu vehasha dzangu, kupamba zvakapambiwa nekutapa zvakatapiwa nekuita pekutsikira sedope renzira dzemumusha.

7 Asi iye haafungi saizvozvo, nemoyo wake haurangariri zvakadaro; asi zviri mumoyo wake kuparadza, nekugura marudzi asiri mashoma.

8 Nokuti anoti: Machinda angu ose haasi madzimambo here?

9 Karino harina kuita seKarikemishi here? Hamati harina kuita seAripadhi here? Samariya harina kuita seDhamasiko here?

10 Ruoko rwangu sezvarwakawana ushe uzhinji hwezvifananidzo, zvifananidzo zvahwo zvakavezwa zvaipfuura zvepaJerusarema nezveSamariya;

11 sezvandakaitira Samariya nezvifananidzo zvayo, handingaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvaro here?

12 Zvino zvakaitika, kana Ishe apedza basa rake rose pagomo reZiyoni nemuJerusarema, ndichatsiva chibereko chekuzvikudza kwemoyo wamambo weAsiriya, nekunaka kwemanyawi emeso ake.

13 Nokuti wakati: Ndakazviita nesimba reruoko rwangu, uye neuchenjeri hwangu, nokuti ndine njere; uye ndakabvisa miganhu yemarudzi, uye ndakapamba fuma yavo, uye seane simba ndakawisira pasi vagari.

14 Ruoko rwangu rwakawana fuma yemarudzi sedendere; uye semunhu anounganidza mazai akasiiwa, ini ndakaunganidza nyika yose; uye paiva pasina waipfakanyikisa bapiro, kana kushamisa muromo, kana kurira.

15 Demo ringazvikudza kune anotema naro here? Saha ingazvitutumadza kune anoizungunusa here? Setsvimbo inozungunusa vanoisimudza. Sezvinonzi mudonzvo ungazvisimudza, sezvinonzi hausi danda.

16 Naizvozvo Ishe, Jehovha wehondo achatuma kuonda pakati pevakakora vake; uye pasi perukudzo rwake achatungidza kupfuta sekupfuta kwemoto.

17 Zvino chiedza chaIsraeri chichava moto, neMutsvene wake ave murazvo, unopisa nekupedza minzwa yake nerukato rwake nezuva rimwe.

18 Zvino uchapedza rukudzo rwesango rake nemunda wake unobereka, kubva pamweya weupenyu kusvika panyama, zvigova sekupera kwesimba remutakuri wemureza.

19 Nezvakasara zvemiti yesango rake zvichava zvishoma pauwandu, zvekuti mwana angazvinyora.

20 Zvino zvakaitika nezuva iro, vakasara vaIsraeri nevakapukunyuka veimba yaJakove havangazosendamirizve pamusoro pewakavarova, asi vachasendamira kuna Jehovha, Mutsvene waIsraeri, muchokwadi.

21 Vakasara vachadzoka, vakasara vaJakove, kuna Mwari ane simba.

22 Nokuti kunyange vanhu venyu, Israeri, vakaita sejecha regungwa, vakasara vavo vachadzoka; kuparadzwa kwakatemwa, kupfachukira nekururama.

23 Nokuti Ishe, Jehovha wehondo achaita kuparadza uye kwatemwa pakati penyika yose.

24 Naizvozvo anoreva saizvozvo Ishe, Jehovha wehondo: Vanhu vangu vagari veZiyoni, musatya muAsiriya, paanokurovai netsvimbo, uye achakusimudzirai mudonzvo wake nenzira yevaEgipita.

25 Nokuti kwasara chinguva chidiki, kutsamwa kuchapera, nehasha dzangu pakuparadzwa kwavo.

26 Zvino Jehovha wehondo achamusimudzira tyava, sepakurohwa kwevaMidhiani padombo reOrebhi; uye shamhu yake ichava pamusoro pegungwa, achaisimudza nenzira yevaEgipita.

27 Zvino zvichaitika pazuva iro, achabvisa mutoro wake kubva pafudzi rako, nejoko rake kubva pamutsipa wako; uye joko richaparadzwa nekuda kwekuzodzwa.

28 Auya paAiati, apfuura paMigironi, achengeta midziyo yake paMikimashi.

29 Vapfuura pamupata; usiku vanorara paGebha; Rama rinodedera; Gibhiya raSauro ratiza.

30 Danidzira inzwi rako kwazvo, mukunda weGarimi! Teerera, Raisha, Anatoti murombo!

31 Madhimena anotiza; vagari veGhebhimi votsvaka utiziro.

32 Kuchine zuva ranhasi achamira paNobhi; anozunungusira ruoko rwake gomo remukunda weZiyoni, chikomo cheJerusarema.

33 Tarirai, Ishe, Jehovha wehondo, achatema mashizha nesimba rinotyisa; nevakakwirira paurefu vachatemerwa pasi; nevanozvikudza vachaninipiswa.

34 Zvino achatema matenhere esango nesimbi; neRebhanoni richawa neane simba.