ShonaTeam Isaiah « 8 »

VaAsiriya vachaparadza vaIsraeri

8Zvino Jehovha wakati kwandiri: Zvitorere hwendefa guru, unyore pariri nepeni yemunhu uti: Maheri-Sharari-Hashi-Bhazi.

2 Ndichazvitorera zvapupu zvakatendeka: Uriya mupristi, naZekariya mwanakomana waJebherekiya.

3 Zvino ndakaswedera kumuporofitakadzi; iye ndokutora pamuviri, ndokubereka mwanakomana. Jehovha ndokuti kwandiri: Tumidza zita rake: Maheri-Sharari-Hashi-Bhazi.

4 Nokuti mwana asati aziva kudana kuti, baba vangu, kana mai vangu, fuma yeDhamasiko nezvakapambiwa zveSamariya zvichatakurirwa pamberi pamambo weAsiriya.

5 Zvino Jehovha wakaenderera kutaurazve kwandiri achiti:

6 Nemhaka yekuti rudzi urwu rwakaramba mvura yeShiroa, inoyerera zvinyoro-nyoro, uye kune mufaro kuna Rezini nemwanakomana waRemariya;

7 naizvozvo ikozvino, tarira, Jehovha anokwidza pamusoro pavo mvura dzerwizi, dzakasimba uye zhinji, mambo weAsiriya nekubwinya kwake kose; zvino rwuchakwira pahova dzarwo dzose, nekudarika nhivi dzarwo dzose;

8 rwuchapfuurira kwaJudha; rwuchakukura nekupfuurira, rwuchasvika pamutsipa; nekutandavara kwamapapiro arwo kuchazadza upamhi hwenyika yako, Emanueri.

9 Zvibatanidzei, marudzi, zvino putswai; uye ipai nzeve imwi mose venyika dziri kure. Zvisungei zviuno, zvino putswai; zvisungei zviuno, zvino putswai.

10 Panganai zano, zvino richaputsika; taurai shoko, zvino haringamiri; nokuti Mwari anesu.

11 Nokuti Jehovha wakareva saizvozvo kwandiri neruoko rwune simba, wakandidzidzisa kuti ndisafamba munzira yevanhu ava, achiti:

12 Musati: Irangano; pamusoro pezvose vanhu ava zvavanoti: Irangano; uye musatya kutya kwavo, uye musavhunduka.

13 Jehovha wehondo, iye muchamuita mutsvene, naiye ave kutya kwenyu, uye iye ave kuvhunduka kwenyu.

14 Zvino achava nzvimbo tsvene; asi achava ibwe rekugumbusa nedombo rekupinganidza kudzimba mbiri dzaIsraeri, ave rugombe, ave musungo kuvagari veJerusarema.

15 Zvino vazhinji pakati pavo vachagumburwa ndokuwa, uye vachavhunika, nekuteyewa nekubatwa.

16 Sunga chipupuro, isa murairo chiratidzo pakati pevadzidzi vangu.

17 Zvino ndichamirira Jehovha, anovanzira imba yaJakove chiso chake, uye ndichamutarisira.

18 Tarirai, ini nevana Jehovha vaakandipa, tiri zviratidzo nezvishamiso kwaIsraeri kubva kuna Jehovha wehondo, agere mugomo reZiyoni.

19 Zvino pavachati kwandiri: Bvunzira kumasvikiro nekuvaroyi, vanorira nekuzevezera: Vanhu havangabvunziri here kuna Mwari wavo, kubvunzira vapenyu kune vakafa?

20 Kumurairo nekuzvipupuro! Kana vasingatauri zvinoenderana neshoko iri, nokuti hakuna kuedza kwavari.

21 Uye vachapfuurira kwazviri, vachimanikidzwa kwazvo vane nzara; uye zvichaitika kuti vane nzara uye vakatsamwa, vatuke mambo wavo naMwari wavo, vachitarisa kumusoro.

22 Zvino vachatarisa panyika, zvino tarira, kuchava nekutambudzika nerima, rima remanikidzo, uye vachadzingirwa kurima.