ShonaTeam Isaiah « 7 »

Shoko raIsaya kuna Ahazi

7Zvino zvakaitika pamazuva aAhazi, mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, mambo waJudha, Rezini mambo weSiriya, naPeka mwanakomana waRemariya, mambo waIsraeri, vakakwira kuJerusarema kuenda kuhondo kurwisana naro, asi vakakonewa kurikunda.

2 Zvino zvakaudzwa kuimba yaDhavhidhi kuti vaSiriya vabatana naEfuremu. Moyo wake nemoyo wevanhu vake ndokuzununguswa sekuzununguka kwemiti yemusango nemhepo.

3 Jehovha ndokuti kuna Isaya: Buda hako unosangana naAhazi, iwe naSheari-Jashubhi mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rekumusoro, panzira huru yekumunda wemusuki wenguvo;

4 unoti kwaari: Chenjera, uye nyarara, usatya, nemoyo wako ngaurege kupera nekuda kwemiswe iyi miviri yehuni inopfungaira, nekuda kwekutyisa kwekutsamwa kwaRezini neSiriya, nemwanakomana waRemariya.

5 Nekuda kwekuti Siriya, naEfuremu, nemwanakomana waRemariya vakakurangana zvakaipa, vachiti:

6 Ngatikwire kwaJudha, tinomutyisa, tizvipoyere kwaari, tiise mambo pakati pake, mwanakomana waTabheyeri.

7 Anoreva saizvozvo Ishe Jehovha: Hazvingamiri, uye hazvingaitiki.

8 Nokuti musoro weSiriya iDhamasiko, uye musoro weDhamasiko ndiRezini; zvino kuchine makore makumi matanhatu nemashanu Efuremu achaputswa akasava rudzi.

9 Zvino musoro waEfuremu ndiSamariya, nemusoro waSamariya ndimwanakomana waRemariya. Kana musingatendi, zvirokwazvo hamungasimbiswi.

Shoko raIsaya pamusoro paImanueri

10 Zvino Jehovha wakataurazve kuna Ahazi achiti:

11 Zvikumbirire chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako; kumbira pakadzika kana pamusoro pakakwirira.

12 Asi Ahazi wakati: Handingakumbiri, uye handingaedzi Jehovha.

13 Zvino akati: Inzwai zvino, imba yaDhavhidhi, chinhu chidiki kwauri kuti munetese vanhu, kuti munetese Mwari wanguwo here?

14 Naizvozvo Ishe amene achakupai chiratidzo: Tarirai, mhandara ichabata mimba, uye ichabereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Imanueri.

15 Achadya ruomba neuchi, kusvika aziva kuramba zvakaipa nekusarudza zvakanaka.

16 Nokuti mwana asati aziva kuramba zvakaipa nekusarudza zvakanaka, nyika yaunosema ichasiiwa nemadzimambo ayo ari maviri.

17 Jehovha achauisa pamusoro pako, nepamusoro pevanhu vako, nepamusoro peimba yababa vako, mazuva asina kumbouya kubva pazuva Efuremu raakabva naro kuna Judha, ndiye mambo weAsiriya.

18 Zvino zvichaitika, pazuva iro, Jehovha acharidzira muridzo nhunzi iri pamugumo wenzizi dzeEgipita, nenyuchi iri panyika yeAsiriya.

19 Zvino dzichauya, dzichimhara dzose mumipata ine mawere, nemumikaha yemabwe, nepaminzwa yose, nepamafuro ose.

20 Nezuva iro Ishe achaveura nechisvo chakakweretwa mhiri kwerwizi, namambo weAsiriya, musoro nemvere dzemakumbo; uye chichatsvairawo ndebvu.

21 Zvino zvichaitika nezuva iro, munhu achachengeta tsiru nemakwai maviri zviri zvipenyu.

22 Zvino zvichaitika pakuwanda kwekubuda kwemukaka kuti achadya ruomba; nokuti ruomba neuchi umwe neumwe achazvidya, wakasiiwa pamoyo wenyika.

23 Zvino zvichaitika, nezuva iro, nzvimbo imwe neimwe pane mizambiringa churu, nemakobiri esirivha churu chimwe, ichava yerukato neminzwa.

24 Vachaendako nemiseve neuta, nokuti nyika yose ichava nerukato neminzwa.

25 Nemakomo ose aicherwa nebadza havangaendiko nekutya rukato neminzwa inobaya; asi achava ekusundira nzombe, nekutsika-tsika kwemakwai.