ShonaTeam Isaiah « 6 »

Isaya anodanwa naJehovha

6Pagore rekufa kwamambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro cheushe chiri pamusoro uye chakakwirira, uye mupendero wenguvo dzake waizadza tembere.

2 Maserafimi aiva amire pamusoro payo; rimwe nerimwe rine mapapiro matanhatu; nemaviri yakafukidza chiso chayo, uye nemaviri yakafukidza makumbo ayo, uye nemaviri yaibhururuka.

3 Rimwe rakadanidzira kune rimwe rikati: Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Jehovha wehondo; nyika yose izere nekubwinya kwake.

4 Nheyo dzezvikumbaridzo ndokuzununguka nenzwi rewaidana; imba ndokuzara utsi.

5 Zvino ndakati: Nhamo kwandiri, nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu wemiromo yakasviba, uye ndinogara pakati pevanhu vemiromo yakasviba, nokuti meso angu akaona Mambo, Jehovha wehondo.

6 Zvino rimwe remaserafimi rakabhururukira kwandiri, rine zimbe rinopfuta muruoko rwaro, raraiva ratora nembato paaritari.

7 Uye rakagunzva muromo wangu ndokuti: Tarira, ichi chazvigunzvira miromo yako; naizvozvo uipi hwako hwabviswa, uye chivi chako chaitirwa rudzikunuro.

8 Zvino ndakanzwa inzwi raIshe richiti: Ndiyani wandichatuma? Uye ndiyani achatiendera? Zvino ndakati: Tarirai ndiri pano, nditumei.

9 Iye ndokuti: Enda, uti kuvanhu ava: Inzwai munzwe asi hamunganzwisisi; uye onai muchiona asi hamungaonesesi.

10 Kodzai moyo yevanhu ava, uye remedzai nzeve dzavo, uye tsinzinisai meso avo, zvimwe vaone nemeso avo, vanzwe nenzeve dzavo, vanzwisise nemoyo yavo, vadzoke ndokuporeswa.

11 Zvino ndakati: Kusvika rinhi, Ishe? Iye ndokuti: Kusvika maguta ava matongo asina mugari, nedzimba dzisina munhu, nenyika yaparadzwa chose,

12 naJehovha abvisira vanhu kure, nekusiiwa kukuru kwava pakati penyika.

13 Asi zvakadaro chikamu chimwe mugumi chichava pairi, uye chichadzoka chive chekudyiwa; seterebhinti uye semuouki unowisa mashizha awo, hunde yawo iri pauri; mbeu tsvene ihunde yawo.