ShonaTeam Isaiah « 5 »

Mufananidzo wemunda wemizambiringa

5Rega ndiimbire mudiwa wangu rwiyo rwemudiwa wangu pamusoro pemunda wake wemizambiringa. Mudiwa wangu waiva nemunda wemizambiringa pachikomo chakaorera.

2 Zvino wakaushosha, ndokubudisa mabwe awo, ndokuusima mizambiringa yakaisvonaka, ndokuvaka shongwe mukati mawo, ndokufombora chisviniro chewaini mukati mawo; zvino akatarira kuti uchabereka mazambiringa, asi wakabereka mazambiringa anonhuhwa.

3 Zvino ikozvino, vagari veJerusarema, nevarume vaJudha, tongai henyu pakati pangu nemunda wangu wemizambiringa.

4 Kungadai kwakaitirweizve munda wangu wemizambiringa, chandisina kuita mauri! Sei ndakatarisira kuti uchabereka mazambiringa, asi wakabereka mazambiringa anonhuhwa?

5 Zvino regai ndikuzivisei zvandichaitira munda wangu wemizambiringa: Ndichabvisa ruzhowa rwawo, kuti uve ufuro, kuputsa rusvingo rwawo, ugova nzvimbo yekutsikwa-tsikwa.

6 Zvino ndichauita chakaparadzwa; haungachekererwi uye haungatimbirirwi, asi uchamera minzwa neukato. Ndicharairawo makore kuti asanaisa mvura pamusoro pawo.

7 Nokuti munda wemizambiringa waJehovha wehondo iimba yaIsraeri, uye varume vaJudha muti wemafaro ake. Zvino wakamirira mutongo wakarurama, asi tarira, kuparadzwa kweropa, kururama, asi tarira, kuchema.

8 Nhamo kune vanobatanidza imba neimba, munda nemunda vachiswededzanisa, kusvika pasina nzvimbo, uye imwi muchagariswa muri moga pakati penyika.

9 Munzeve dzangu Jehovha wehondo wakati: Zvirokwazvo, dzimba zhinji dzichava matongo, huru nedzakanaka dzisina anogara.

10 Nokuti maeka gumi emunda wemizambiringa achabereka bati rimwe, nehomeri rembeu richabereka efa.

11 Vane nhamo vanomuka mangwanani-ngwanani, vachidzingana nezvinwiwa zvinodhaka, vanorivara kusvika kwavira, waini yavapfutidza.

12 Uye rudimbwa, nembira, ngoma, nenyere, newaini zvaiva pamitambo yavo; asi havana kurangarira basa raJehovha uye havana kuva nehanya nebasa remaoko ake.

13 Naizvozvo vanhu vangu vachaenda muutapwa nekuda kwekusava neruzivo; nevarume vavo vanokudzwa vane nzara; uye ruzhinji rwavo rwuchaomerwa nenyota.

14 Naizvozvo Sheori rakazvitatamura nekushamisa muromo waro zvisina chiyero; kusvika kwaburuka rukudzo rwavo, nekuwanda kwavo, neruzha rwavo, neanofara pakati pavo.

15 Newakaderera achakotamisirwa pasi, newakakwirira achaninipiswa, uye meso eanozvikudza achaninipiswa.

16 Asi Jehovha wehondo achakwiridzwa pamutongo, naMwari mutsvene achanatswa mukururama.

17 Zvino makwayana achafura sezvinonzi pamafuro awo, uye vaeni vachadya matongo evakakora.

18 Nhamo kune vanokweva chitadzo nemakashu asina maturo, nechivi semabote engoro!

19 Vanoti: Ngaakurumidze, ngaachimbidzikise basa rake, kuti tione; nezano reMutsvene waIsraeri ngariswedere riuye, kuti tizive.

20 Nhamo kune vanoti kune chakaipa chakanaka, uye kune chakanaka chakaipa; vachiisa rima kuva chiedza, nechiedza kuva rima; vachiisa zvinovava kuva zvinotapira, nezvinotapira kuva zvinovava.

21 Nhamo kune vakachenjera pameso avo, nevanonzwisisa pamberi pechiso chavo.

22 Nhamo kumagamba ekunwa waini, nevarume vane simba rekusanganisa zvinwiwa zvinodhaka;

23 vanoti wakaipa haana mhosva nekuda kwefufuro, vachibvisa kururama kwevakarurama kubva kwavari.

24 Naizvozvo murazvo wemoto sezvaunopedza hundi uye uswa hwakaoma huchiperera mumurazvo, saizvozvo mudzi wavo uchava sekuora, neruva ravo richapepereka seguruva; nokuti vakaramba murairo waJehovha wehondo, nekushora shoko reMutsvene waIsraeri.

25 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira vanhu vake, akatandavadza ruoko rwake kuvarwisa, akavarova, kusvika makomo adedera, uye mitumbi yavo yava semarara pakati penzira dzemumusha. Nekuda kwaizvozvo zvose, kutsamwa kwake hakungadzoki, asi ruoko rwake rwakangotandavadzwa.

26 Zvino achasimudzira rudzi rwuri kure chiratidzo, nekurwuridzira muridzo rwuri kumugumo wenyika; uye tarirai, nekukurumidza rwuchauya nekuchimbidzika.

27 Hapana achaneta uye hapana achagumburwa pakati parwo; hapana achatsumwaira, uye hapana acharara, uye hapana achakururirwa bhandi rechiuno charwo, uye hapana achadambukirwa nerukanda rweshangu dzarwo.

28 Miseve yarwo inopinza, uye uta hwarwo hwose hwakakungwa; mahwanda emabhiza arwo achaverengwa semusara, nemavhiri arwo sechamupupuri.

29 Kuomba kwarwo kuchava sekwehadzi yeshumba, uye rwuchaomba sevana veshumba; uye rwuchaomba kwazvo rwakabata chakajimbiwa, ndokuenda nacho chakachengeteka; uye hapana angachirwira.

30 Vachavaombera kwazvo nezuva iro sekuomba kwegungwa. Kana munhu akatarisa panyika, zvino tarira, rima, kutambudzika; uye chiedza chasvibiswa nemakore arwo.