ShonaTeam Isaiah « 4 »

Jerusarema richava nemukurumbira

4Zvino nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume umwe, vachiti: Tichadya zvekudya zvedu, uye tichapfeka zvipfeko zvedu; koga rega tidanwe nezita rako; bvisa kunyadzwa kwedu.

2 Nezuva iro bukira raJehovha richava nerunako uye nekubwinya; uye chibereko chenyika chichava chakaisvonaka nechinoyevedza kune vakapukunyuka vaIsraeri.

3 Zvino zvichaitika kuti wakasara paZiyoni newakasiiwa paJerusarema zvichanzi kwaari: Mutsvene; wose akanyorerwa upenyu muJerusarema;

4 Ishe paanenge ashambidza tsvina yevakunda veZiyoni, uye anatsa ropa zhinji reJerusarema kubva mukati maro, nemweya wemutongo, uye nemweya wekupisa.

5 Zvino Jehovha achasika pamusoro penzvimbo yekugara imwe neimwe pagomo reZiyoni, nepamusoro peungano dzakadanwa dzaro, gore neutsi masikati, nekupenya kwemoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechifukidzo pamusoro pekubwinya kose.

6 Zvino kuchava netende kuva mumvuri masikati pakupisa, uye rive utiziro, uye rive chivando pamafashame emvura nepamvura.