ShonaTeam Isaiah « 3 »

3Nokuti tarirai, Ishe Jehovha wehondo achatora kubva kuJerusarema nekwaJudha mutsigiro nemudonzvo, mutsigiro wose wezvekudya, nemutsigiro wose wemvura;

2 gamba nemurume wehondo, mutongi nemuporofita, uye muvuki nemukuru;

3 mukuru wemakumi mashanu, neanogamuchirika pachiso, negurukota, nemhizha yevakachenjera, nemuvuki anoziva.

4 Uye ndichapa vakomana vave machinda avo, nevana vadiki vachatonga pamusoro pavo.

5 Zvino vanhu vachamanikidzwa, umwe neumwe, uye umwe newekwake; mwana achava nemanyawi kune mukuru, uye wepasi kune anokudzwa.

6 Nokuti munhu achabata munin'ina wake weimba yababa vake, achiti: Iwe une nguvo, chiva mutongi wedu, uye kuparara uku ngakuve pasi peruoko rwako.

7 Nezuva iro achasimudza inzwi achiti: Handingavi murapi, nokuti mumba mangu hamuna zvekudya uye hamuna zvekupfeka; musandiita mutongi wevanhu.

8 Nokuti Jerusarema ragumburwa, uye Judha wawa; nokuti rurimi rwavo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha, kutsamwisa meso ekubwinya kwake.

9 Kuonekwa kwezviso zvavo kunovapupurira, uye vanodanidzira chivi chavo seSodhoma; havavanzi. Nhamo kumweya yeupenyu yavo, nokuti vakazviitira zvakaipa.

10 Reva kune vakarurama kuti zvichanaka. Nokuti vachadya zvibereko zvezviito zvavo.

11 Nhamo kune wakaipa; zvichamuipira; nokuti mubairo wemaoko ake uchaitwa kwaari.

12 Vanhu vangu, vamanikidzi vavo vana, uye vakadzi vanotonga pamusoro pavo. Vanhu vangu, vanokutungamirirai vanokutadzisai, uye vanoparadza nzira yemakwara enyu.

13 Jehovha wasimuka kupikisa, uye wakamira kutonga marudzi.

14 Jehovha anopinda pamutongo pamwe nevakuru vevanhu vake, nemachinda avo, nokuti imwi makadya kupedza munda wemizambiringa; zvakapambiwa zvemurombo zviri mudzimba dzenyu.

15 Imwi munopwanyirei vanhu vangu? Uye zviso zvevarombo munokuya; anoreva Ishe Jehovha wehondo.

16 Jehovha wakatizve: Nekuda kwekuti vakunda veZiyoni vanozvikudza, uye vanofamba vachitatamura mutsipa, nekuchonya maziso, vachifamba vachikwakukira vachienda, uye vachiita magagada nemakumbo avo:

17 Naizvozvo Ishe acharova nhongonya dzevakunda veZiyoni negwenyu-kwenyu; uye Jehovha achafukura nhengo dzakavanzika dzavo.

18 Nezuva iro Ishe achabvisa unaku hweukomba hwemakumbo, nezvuma, nezvedenderedzwa semwedzi,

19 zvishongo zvinopenya, nezvingetani zvemaoko, nezvifukidziro,

20 zvishongo zvemusoro, neuketani hwemakumbo, nemabhandi, nezvitende zvezvinonhuhwira, nemazango,

21 zvimhete, neukomba hwemhino,

22 nguvo refu dzemitambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama,

23 nezvioni-oni, nenguvo dzemucheka wakaisvonaka, nemicheka yemusoro, nezvifukidzo.

24 Zvino zvichaitika kuti pachinzvimbo chezvinonhuhwira pachava nezvinonhuhwa, uye rwodzi pachinzvimbo chebhandi, uye mhanza pachinzvimbo chevhudzi rakarukwa, uye bhandi resaga pachinzvimbo chenguvo yakaisvonaka, kupiswa pachinzvimbo cherunako.

25 Varume vako vachawa nemunondo, nevane simba vako pahondo.

26 Zvino masuwo aro achachema nekurira; uye richaitwa dongo richagara pasi.