ShonaTeam Isaiah « 2 »

Chivimbiso chaMwari

2Shoko Isaya mwanakomana waAmozi raakaona pamusoro paJudha neJerusarema.

2 Zvino zvichaitika pakupera kwemazuva, gomo reimba yaJehovha richamiswa panhongonya yemakomo, uye richasimudzirwa pamusoro pezvikomo, uye marudzi ose achadirana kuenda kwariri.

3 Marudzi mazhinji achaenda agoti: Uyai, uye ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakove; zvino achatidzidzisa zvenzira dzake, uye tichafamba mumakwara ake; nokuti murairo uchabuda paZiyoni, neshoko raJehovha kubva paJerusarema.

4 Zvino achatonga pakati pemarudzi, uye achatsiura vanhu vazhinji; zvino vachapfura minondo yavo kuita zvikari zvemapadza, nemapfumo avo kuva mapanga ekuchekerera miti; rudzi harwungasimudziri rudzi munondo, uye havangadzidzizve hondo.

Kutongwa kwevanozvikudza

5 Iwe imba yaJakove uyai, tifambe muchiedza chaJehovha.

6 Nokuti makasiya vanhu venyu, imba yaJakove, nokuti vazere nezvekumabvazuva, uye vavuki sevaFirisitia, uye vanozvifadza nevana vevatorwa.

7 Zvino nyika yavo izere nesirivha negoridhe; uye hakuna magumo efuma yavo; nenyika yavo izere mabhiza; uye hakuna magumo engoro dzavo.

8 Nenyika yavo izere zvifananidzo; vanofugamira basa remaoko avo, kune izvo minwe yavo zvayakaita.

9 Wepasiwo anofugama, uye wepamusoro anozvininipisa. Zvino hamuvagamuchiri.

10 Pinda mudombo uye vanda muguruva, nekuda kwekutyisa kwaJehovha, uye nekuda kwekubwinya kweumambo hwake.

11 Meso anozvikudza emunhu achaninipiswa, uye manyawi evanhu achakotamiswa. Zvino Jehovha oga achakwiridzirwa nezuva iro.

12 Nokuti zuva raJehovha wehondo richava pamusoro peumwe neumwe anodada neanozvikudza; nepamusoro peumwe neumwe anozvikwiridzira, zvino achaninipiswa;

13 nepamusoro pemisidhari yose yeRebhanoni yakareba neyakakwirira; nepamusoro pemiouki yose yeBhashani;

14 nepamusoro pemakomo ose marefu; nepamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira;

15 nepamusoro peshongwe imwe neimwe; nepamusoro perusvingo rwumwe nerwumwe rwakashoshewa;

16 nepamusoro pezvikepe zvose zveTarishishi; nepamusoro pemifananidzo yose inofadza.

17 Zvino kuzvikudza kwemunhu kuchakotamiswa, nekuzvikwiridzira kwevanhu kuchaderedzwa. Zvino Jehovha oga achakwiridzirwa nezuva iro.

18 Zvino zvifananidzo zvichapera chose.

19 Zvino vachapinda mumapako emabwe, nemumakomba evhu, nekuda kwekutyisa kwaJehovha, uye nekuda kwekubwinya kweumambo hwake, pakusimuka kwake kudederesa nyika.

20 Nezuva iro munhu acharasa zvifananidzo zvake zvesirivha nezvifananidzo zvake zvegoridhe, zvaakazviitira kuzvinamata, vachizviisa kunhuta nekuzviremwaremwa;

21 kupinda mumapako emabwe, nemumikaha yemawere, nekuda kwekutyisa kwaJehovha, uye nekuda kwekubwinya kweumambo hwake, pakusimuka kwake kudederesa nyika.

22 Imwi regai mubve pamunhu, kufema kwake kuri mumhino dzake; nokuti anorangarirwa pane chipi?