ShonaTeam Isaiah « 1 »

Jehovha anotsiura Israeri pakutadza kwake

1 Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona maererano naJudha neJerusarema pamazuva aUziya, Jotamu, Ahazi, Hezekia, madzimambo aJudha.

2 Inzwai imwi matenga, uye ipa nzeve iwe nyika, nokuti Jehovha wakataura achiti: Ndakarera nekukurisa vana, asi ivo vakandimukira.

3 Nzombe inoziva muridzi wayo, nembongoro chidyiro chavatenzi vayo; Israeri haazivi, vanhu vangu havanzwisisi.

4 Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremedzwa neuipi, mbeu yevaiti vezvakaipa, vana vanoodza zvinhu! Vakasiya Jehovha, vakashora Mutsvene waIsraeri, vadzokera shure.

5 Mucharoverwei zvekare, munongoramba muchimukira Jehovha? Musoro wose unorwara, uye moyo wose waziya.

6 Kubvira pasi perutsoka kusvika mumusoro hapana patano pauri; asi maronda nepakakuvara nemavanga matsva, haana kusvinwa, uye haana kusungwa, uye haana kunyoroveswa nemafuta.

7 Nyika yenyu kuparara; maguta enyu apiswa nemoto; nyika yenyu vatorwa vanoipedza pamberi penyu; uye yava kuparara sekupidigurwa nevatorwa.

8 Uye mukunda weZiyoni wasara sedumba mumunda wemizambiringa, sechirindo mumunda wemagaka, seguta rakakombwa nehondo.

9 Dai Jehovha wehondo asina kutisiira vasiiwa vashomanana, tingadai takava seSodhoma, takafanana neGomora.

10 Inzwai shoko raJehovha, imwi vatongi veSodhoma; ipai nzeve kumurairo waMwari wedu, imwi vanhu veGomora.

11 Kuwanda kwezvibairo zvenyu kwandiri chii? Anoreva Jehovha. Ndaguta zvipo zvinopiswa zvemakondohwe, nemafuta ezvakakodzwa; neropa renzombe diki, neremakwayana, kana renhongo, handifadzwi nazvo.

12 Kana muchiuya kuonekwa pamberi pangu, ndiani wakakumbira izvi paruoko rwenyu, kuti mutsike vazhe dzangu?

13 Musaunzazve chipo chisina maturo; zvinonhuhwira zvinyangadzo kwandiri; kugara kwemwedzi, nesabata, kukokera ungano, handikwanisi; chitadzo, kunyange ungano tsvene.

14 Kugara kwemwedzi yenyu nemitambo yenyu yakatarwa mweya wangu unozvivenga, izvo mutoro kwandiri; ndaneta nekutakura.

15 Uye pakutandavadza kwenyu maoko enyu, ndinovanza meso angu kubva kwamuri; uye kana muchiwanza munyengetero, handinzwi; maoko enyu akazara neropa zhinji.

16 Shambai; muzvinatse; bvisai uipi hwezviito zvenyu kubva pamberi pemeso angu; mirai kuita zvakaipa;

17 dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai mutongo; nunurai akamanikidzwa; tongerai nherera; kumbirirai chirikadzi.

18 Uyai ikozvino, titaurirane, anoreva Jehovha; kunyange zvivi zvenyu zvikaita semucheka mutsvuku, zvichava zvichena semagada echando; kunyange zviri zvishava sezvishava-shava, zvichava semakushe emakwai.

19 Kana muchida, uye muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika.

20 Asi kana muchiramba, muchikakavara, muchaparadzwa nemunondo; nokuti muromo waJehovha wakataura.

21 Guta rakatendeka rava chifeve sei! Raiva rizere mutongo, kururama kuchigara mariri, asi ikozvino mhondi zhinji.

22 Sirivha yako yava ngura; waini yako yakasanganiswa nemvura.

23 Machinda ako vapanduki, uye ishamwari dzembavha; umwe neumwe anoda fufuro, anodzingana nemibairo; havatongeri nherera, uye nyaya yechirikadzi haisviki kwavari.

24 Naizvozvo, anoreva Ishe, Jehovha wehondo, ane simba waIsraeri: Haiwa, ndichazvinyaradza pavadzivisi vangu uye ndichazvitsivira kuvavengi vangu.

25 Zvino ndichatendeusira ruoko rwangu pamusoro pako, ndigonatsa kwazvo ngura yako, ndichabvisa marara ako ose.

26 Ndichadzosera vatongi vako sepakutanga, nemakurukota ako sepakuvamba; shure kwaizvozvo uchanzi guta rekururama, guta rakatendeka.

27 Ziyoni richadzikunurwa nemutongo, nevanodzoka varo nekururama.

28 Zvino kugurwa kwevadariki nekwevatadzi kuchava pamwe chete, uye vanosiya Jehovha vachapera.

29 Nokuti vachanyara pamusoro pemiouki yamaifarira, uye muchasvoda pamusoro pemabindu amakasanangura.

30 Nokuti muchava semuouki mashizha awo asvava, uye sebindu risina mvura.

31 Zvino ane simba achava sefirakisi riri choto, nemuiti waro ave rubari rwemoto, uye zvichatsva zviri zviviri pamwe chete, uye hakuna anodzima.