ShonaTeam Song of Solomon « 8

8Dai iwe wakaita sehanzvadzi yangu, yakanwa mazamu amai vangu! Dai ndaikuwana panze, ndaikutsvoda; zvirokwazvo havazaindishora.

2 Ndaikutungamirira, ndikakupinza mumba mamai vangu; vaindidzidzisa; ndaikunwisa zvewaini yakaiswa zvinonhuhwira, zvemuto wemapomegiranati angu.

3 Ruoko rwake rweruboshwe rwuri pasi pemusoro wangu, uye rudyi rwake rwunondimbundikira.

4 Ndinokupikisai, vakunda veJerusarema, kuti musabvongodza kana kumutsa rudo kusvika rwada.

5 Ndiyani uyu anokwira kubva kurenje, akasendama pamudiwa wake? Ndakakumutsa pasi pemiti wemuapuri; ndipo mai vako pavakakutamburira, ndipo pavakakutamburira ivo vakakubereka.

6 Ndiise sechisimbiso pamoyo wako, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rune simba serufu; godo rine utsinye seguva; mazimbe aro mazimbe emoto, murazvo une simba.

7 Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; uye mafashame haangarwukukuri. Kana munhu akapa fuma yose yeimba yake nekuda kwerudo, vangaizvidza zvekuizvidza.

8 Tine hanzvadzi diki, uye isina mazamu; tichaiitirei hanzvadzi yedu pazuva richataurwa nezvake?

9 Kana ari rusvingo, tichavaka pamusoro pake nhare yesirivha; uye kana ari mukova, tichamukomberedza nemapuranga emusidhari.

10 Ini ndaiva rusvingo, uye mazamu angu akaita sedzishongwe; panguva iyo ndakava pameso ake seawana rugare.

11 Soromoni waiva nemunda wemizambiringa paBhaari-Hamoni; wakapa munda wemizambiringa kuvachengeti; umwe neumwe waiuya nezvezvibereko zvawo, makobiri esirivha gumi remazana.

12 Munda wangu wemizambiringa, iwo wangu, uri pamberi pangu; iwe Soromoni, gumi remazana nderako; nemazana maviri ndeevachengeti vezvibereko zvawo.

13 Iwe unogara mumabindu, shamwari dzinoteerera inzwi rako; ndinzwisewo iro.

14 Kurumidza, mudiwa wangu, uve iwe semharapara kana mhuru yenondo pamusoro pemakomo ezvinonhuhwira.