ShonaTeam Song of Solomon « 7 »

7Tsoka dzako dzakanaka sei mushangu, iwe mukunda wemuchinda! Hudyu dzezvidya zvako dzakaita sezvishongo, basa remaoko emhizha.

2 Guvhu rako rakaita semukombe wakatendereka, usingashaiwi waini yakavhenganiswa; dumbu rako rakaita sedutu rezviyo rakashoshewa nemaruva.

3 Mazamu ako maviri akaita setsvana mbiri, mapatya emharapara.

4 Mutsipa wako wakaita seshongwe yenyanga yenzou; meso ako semadziva muHeshibhoni, pasuwo reBhati-Rabhimi. Mhino yako yakaita seshongwe yeRebhanoni yakatarisana neDhamasiko.

5 Musoro wako pamusoro pako seKarimeri; nemhotsi dzemusoro wako sezveruvara rwehute; mambo wakasungwa mukumonana kwevhudzi.

6 Wakanaka sei, uye unofadza sei, rudo, pane zvinofadza.

7 Chimiro chako ichi chakaita semuchindwe, nemazamu ako semasumbu.

8 Ndakati: Ndichakwira mumuchindwe, ndibate matavi awo; mazamu ako ngaave hawo semasumbu emuzambiringa, nekunhuhwira kwemhino yako semaapuri.

9 Nematadza emuromo wako sewaini yakanaka, inoenda kumudiwa wangu zvakanaka, ichitaudza miromo yevarere.

10 Ndiri wemudiwa wangu; nechishuwo chake chiri kwandiri.

11 Uya mudiwa wangu, ngatibudire kusango, ngatirare usiku mumisha.

12 Ngatifumire kuminda yemizambiringa; tinoona kuti muzambiringa watunga, wabudisa maruva, nekuti mapomegiranati atunga maruva here; ndipapo pandichakupa rudo rwangu rukuru.

13 Mamandarakisi* anobudisa kunhuhwira, nepamikova yedu pane mhando dzose dzezvinonaka kwazvo, zvitsva nezvitsaru, zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu.