ShonaTeam Song of Solomon « 6 »

6Wakaendepi mudiwa wako, iwe wakanaka pakati pevakadzi? Wakatendeukirepi mudiwa wako, kuti timutsvake pamwe newe?

2 Mudiwa wangu wakaburukira kubindu rake, kundima dzezvinonhuhwira, kunofura mumabindu, nekuunganidza maruva.

3 Ini ndiri wemudiwa wangu; uye mudiwa wangu ndewangu; anofura pakati pemaruva.

4 Wakanaka, shamwarikadzi yangu, seTiriza, unoyevedza seJerusarema, unotyisa sehondo ine mireza.

5 Bvisa meso ako kwandiri, nokuti iwo anondikunda. Vhudzi rako rakaita seboka rembudzi dzinoburuka kubva kuGiriyadhi.

6 Mazino ako akaita seboka remakwayana anokwira kubva pakushambidzwa, nokuti rimwe nerimwe rawo rinobereka mapatya, uye hapana rakafirwa pakati pawo.

7 Zvavovo zvako zvakaita sechimedu chepomegiranati mukati mechifukidzo chako.

8 Pane madzihosi makumi matanhatu, nevarongo makumi masere, nemhandara dzisingaverengeki.

9 Njiva yangu ndeimwe, wakakwana wangu, ndiye umwe oga wamai vake; ndiye wakachena wewakamubereka. Vakunda vakamuona, vakamuti wakaropafadzwa; madzihosi nevarongo, vakamurumbidza.

10 Ndiyani uyu anotsikitsira semambakwedza, wakanaka semwedzi, wakachena sezuva, anotyisa sehondo ine mireza?

11 Ndakaburukira kubindu renzungu, kuona mabukira mumupata, kuona kana muzambiringa uchibuka, mapomegiranati anotunga.

12 Handina kuziva, mweya wangu wakandimisa pangoro dzeumambo dzevanhu vekwedu.

13 Dzoka, dzoka, muShuramiti; dzoka, dzoka, zvino tichakuyeva. Munoyeverei muShuramiti, sekutamba kwehondo mbiri?