ShonaTeam Song of Solomon « 5 »

Kupindura kwechikomba

5Ndapinda mubindu rangu, hanzvadzi yangu, mwenga; ndatanha mura yangu pamwe nezvinonhuhwira zvangu; ndadya zinga reuchi hwangu pamwe neuchi hwangu; ndanwa waini yangu pamwe nemukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; inwai, zvirokwazvo inwai zvikuru, vadiwa.

2 Ndakarara, asi moyo wangu wakamuka; inzwi remudiwa wangu rinogogodza richiti: Ndizarurire, hanzvadzi yangu, shamwarikadzi yangu, njiva yangu, wakakwana wangu; nokuti musoro wangu uzere dova, mhotsi dzangu nemadonhedza eusiku.

3 Ndabvisa nguvo refu yangu; ndingaipfeka sei? Ndashambidza tsoka dzangu; ndingadzisvibisa sei?

4 Mudiwa wangu wakapinza ruoko rwake nepaburi regonhi, zvino ura hwangu hwaiva mukusagadzikana nekuda kwake.

5 Ini ndakasimuka kuzarurira mudiwa wangu; uye maoko angu akadonha mura*, neminwe yangu mura inoyerera, pazvibato zvechizarira.

6 Ini ndakazarurira mudiwa wangu; asi mudiwa wangu waiva atendeuka akapfuura. Mweya wangu wakabuda paakataura; ndakamutsvaka asi handina kumuwana; ndakamudana asi haana kundipindura.

7 Varindi vanotenderera muguta vakandiwana; vakandirova, vakandikuvadza; vachengeti vemasvingo vakasimudza kwiriti yangu kubva pandiri.

8 Ndinokupikisai, imwi vakunda veJerusarema, kana mukawana mudiwa wangu, muchamuudzei? Kuti ndinorwara rudo.

9 Mudiwa wako anopfuura umwe mudiwa nei, iwe, wakanaka pakati pevakadzi? Mudiwa wako anopfuura umwe mudiwa nei, zvaunotipikisa saizvozvo?

10 Mudiwa wangu wakachena uye mutsvuku, anoonekwa pakati pemazana gumi.

11 Musoro wake igoridhe rakaisvonaka; mhotsi dzake mapazi, itema segunguvo.

12 Meso ake akaita senjiva pahova dzemvura, akashambidzwa mumukaka, akarongedzwa zvakanaka.

13 Matama ake akaita sendima yemiti inonhuhwira, sematutu ezvifafaidzo zvinobudisa mweya unonhuhwira. Miromo yake maruva anodonha mura inoyerera.

14 Maoko ake akaita sepombi dzegoridhe dzakazadzwa nebheriri*; dumbu rake inyanga yenzou inoonekwa, yakafukidzwa nesafiri*.

15 Makumbo ake imbiru dzemabwe machena, dzakateiwa pazvigadziko zvegoridhe rakaisvonaka; kuonekwa kwake kwakaita seRebhanoni, rakasanangurwa semisidhari.

16 Muromo wake unotapira kwazvo. Zvirokwazvo zvose zvake zvinoshuvika kwazvo. Uyu mudiwa wangu, uye uyu ishamwari yangu, vakunda veJerusarema.