ShonaTeam Song of Solomon « 4 » |
Chikomba chinorumbidza mwenga
4Tarira, wakanaka, shamwarikadzi yangu; tarira, wakanaka. Meso ako seenjiva mukati mechifukidzo chako; vhudzi rako rakaita seboka rembudzi, dzinoburuka mugomo reGiriyadhi.
2 Mazino ako akaita seboka remakwai akaveurwa, anokwira kubva pakushambidzwa; rimwe nerimwe rawo rinobereka mapatya, uye hakuna rakafirwa pakati pawo.
3 Serwonzi rushava ndizvo zvakaita miromo yako, uye mutauro wako wakanaka; sebandi remupomegiranati* ndizvo zvakaita zvavovo zvako mukati mechifukidzo chako.
4 Mutsipa wako wakaita seshongwe yaDhavhidhi, yakavakwa kuva imba yezvombo, kwakaremberera pairi nhovo churu, dzose dziri nhovo dzemhare.
5 Mazamu ako maviri akaita sevana vaviri vemharapara, vari mapatya, vanofura pakati pemaruva.
6 Kusvika mambakwedza, nemimvuri yatiza, ini ndichaenda kugomo remura*, nekuchikomo chezvipfungaidzo zvinonhuhwira.
7 Iwe wakanaka wose, shamwarikadzi yangu, uye hamuna chipomerwa mauri.
8 Hande neni kubva kuRebhanoni, mwenga, neni kubva kuRebhanoni. Tarira uri panhongonya yeAmana, panhongonya yeSeniri neHerimoni, pamagara edzishumba, pamakomo eingwe zhinji.
9 Wanditorera moyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga; wanditorera moyo wangu nerimwe remaziso ako, neruketani rwumwe rwemutsipa wako.
10 Rudo rwako rukuru rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga! Rwuri nani sei rudo rwako rukuru pane waini; nekunhuhwira kwezvifafaidzo zvako zvinonhuhwira kupfuura zvinonhuhwira zvose!
11 Miromo yako, mwenga, inodonha zinga reuchi; uchi nemukaka zviri pasi perurimi rwako; uye kunhuhwira kwenguvo dzako kwakaita sekunhuhwira kweRebhanoni.
12 Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga, chitubu chakapfigirwa, tsime rakaiswa chiratidzo.
13 Mabukira ako ibindu remapomegiranati, rine zvibereko zvakaisvonaka; hena nenaridho*.
14 Naridho* nesafironi*, karamusi* nekinamoni*, nemiti yose inonhuhwira, mura negavakava, nezvose zvinonhuhwira zvinokosha.
15 Chitubu chemabindu, tsime remvura zhinji mhenyu, nedzinoyerera kubva Rebhanoni.
Kupindura kwemwenga
16 Muka, iwe mhepo yekumaodzanyemba; uye uya, iwe mhepo yekuchamhembe; furidzira pabindu rangu, kuti zvinonhuhwira zvaro zviyerere zvibude. Mudiwa wangu ngaapinde mubindu rake, ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.