ShonaTeam Song of Solomon « 2 »

2Ndiri furauzi reSharoni, ruva remumapani.

2 Seruva pakati peminzwa, wakadaro mudiwasikana wangu pakati pevakunda.

3 Semuti wemuapuri pakati pemiti yemudondo, wakadaro mudiwa wangu pakati pevanakomana. Ndakagara mumumvuri wake ndikafara kwazvo; uye chibereko chake chinotapira pamukanwa wangu.

4 Wakandiisa kuimba yewaini; uye mureza wake pamusoro pangu rudo.

5 Nditsigirei nezvingwa zvezvibereko zvemuzambiringa zvakaomeswa, ndisimbisei nemaapuri; nokuti ndinorwara nerudo.

6 Ruoko rwake rweruboshwe rwuri pasi pemusoro wangu; uye ruoko rwake rwerudyi rwunondimbundikira.

7 Ndinokupikisai, vakunda veJerusarema, nemharapara kana nenondo dzesango, kuti musabvongodza kana kumutsa rudo kusvika rwada.

8 Inzwi remudiwa wangu! Tarirai iye anouya, achikwakuka pamusoro pemakomo, achiuruka pamusoro pezvikomo.

9 Mudiwa wangu wakaita semharapara kana mhuru yenondo; tarirai, wakamira seri kwerusvingo rwedu; achidongorera pamahwindo; anozviratidza pazvitanda zvemahwindo.

10 Mudiwa wangu wakapindura akati kwandiri: Simuka iwe, shamwarikadzi yangu, wakanaka wangu, iwe hande!

11 Nokuti, tarira, chando chapfuura; mvura yapera, iyo yaenda.

12 Maruva oonekwa panyika; nguva yekuimba yasvika, neinzwi renjiva rinonzwikwa panyika yedu.

13 Muti wemuonde waibvisa maonde awo mambishi, uye mizambiringa ine maruva yobudisa kunhuhwira. Simuka iwe, shamwarikadzi yangu, wakanaka wangu, iwe hande!

14 Njiva yangu, mumikaha yedombo, pakavanda pemawere; ndionese chiso chako, ndinzwise inzwi rako; nokuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chakanaka.

15 Tibatirei makava, makava madiki, mharadzi dzeminda yemizambiringa; nokuti minda yedu yemizambiringa yava nemaruva.

16 Mudiwa wangu ndewangu, neni ndiri wake; anofudza pakati pemaruva.

17 Kusvika ava mambakwedza, nemimvuri yatiza, dzoka, mudiwa wangu, iwe uve semharapara kana semhuru yenondo pamusoro pemakomo eBheteri.