ShonaTeam Song of Solomon « 1 »

Kudanana kwemwenga nechikomba

1 Rwiyo rwenziyo rwuri rwaSoromoni.

2 Ngaanditsvode netsvodo dzemuromo wake; nokuti rudo rukuru rwako rwuri nani pane waini.

3 Mafuta ako akanakira kunhuhwira; zita rako chifafaidzo chinonhuhwira chakadururwa; naizvozvo mhandara dzinokuda.

4 Ndikweve; tichamhanya shure kwako; mambo wakandipinza mudzimba dzake dzemukati; tichafara nekufarisisa mauri; ticharangarira rudo rukuru rwenyu kupfuura waini; vakakuda zvakarurama.

5 Ndakasviba, asi ndakanaka, vakunda veJerusarema, sematende eKedhari, semaketeni aSoromoni.

6 Musandicherekedza nokuti ndakasviba, nokuti zuva rakandipisa. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira; vakandiita murindikadzi weminda yemizambiringa. Munda wangu wemuzambiringa wangu handina kuurinda.

7 Ndiudze iwe, mweya wangu wawakada, kuti unofudzira kupi, unorarisa kupi boka masikati; nokuti ndichaitirei sewakafukidzwa kumeso pamapoka eshamwari dzako?

8 Kana usingazivi, iwe wakanaka zvikuru pakati pevakadzi, buda iwe nematsimba eboka, ufudzire makwayana ako parutivi rwematende evafudzi.

9 Ndakakufananidza iwe nebhizagadzi pangoro dzaFarao, shamwarikadzi yangu.

10 Matama ako akanaka pakati pezvirukwa zvevhudzi; mutsipa wako nezvuma zvezvishongo.

11 Tichakuitira zvirukwa zvegoridhe pamwe nemhete dzesirivha.

12 Mambo achiri padenderedzwa retafura yake, nadho* yangu yakabudisa kunhuhwira kwayo.

13 Mudiwa wangu kwandiri ihombodo yemura,* ichagara pakati pemazamu angu usiku.

14 Mudiwa wangu kwandiri isumbu remaruva ehena* paminda yemizambiringa yeEni-Gedhi.

15 Tarira, wakanaka, shamwarikadzi yangu; tarira, wakanaka; meso ako akafanana neenjiva.

16 Tarira, wakanaka, mudiwa wangu, zvirokwazvo unofadza. Nemubhedha wedu ibumhudza.

17 Matanda edzimba dzedu misidhari; mbariro dzedu misiperesi.