ShonaTeam Ecclesiastes « 12 |
12Rangarirawo Musiki wako pamazuva eujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, kana makore asvika, pauchazoti: Handina mufaro maari.
2 Zuva nechiedza nemwedzi nenyeredzi zvisati zvasvibiriswa, nemakore achidzoka pashure pemvura.
3 Pazuva vachengeti veimba pavachadedera, uye varume vesimba vachikotama; uye vakuyi vamira, nokuti vava vashoma; neavo vanotarira nepamahwindo vasvibirirwa;
4 nemikova yazarirwa kunzira yekumusha, neruzha rwekukuya rwaderera, uye achimuka neinzwi reshiri, nevakunda vose verwiyo vakotamiswa.
5 Zvino vachazotya icho chakakwirira, uye zvinotyisa panzira, uye muti wemuarimondi uchatumbuka, nemhashu ichazvikwekweredza, uye chishuwo chichapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake wekusingaperi, nevachemi vachafamba-famba panzira yemumusha.
6 Kusati kwabviswa rwonzi rwesirivha, nembiya yegoridhe isati yaputswa, uye chirongo chisati chaputswa pachitubu, uye ndirayi isati yadambuka patsime,
7 uye guruva rinodzokera kuvhu sezvaraiva rakaita; uye mweya unodzokera kuna Mwari wakaupa.
8 Kushaya maturo kwezvisina maturo, anoreva muparidzi, zvose hazvina maturo.
Itya Mwari uchengete mirairo yake
9 Pamusoro pazvowo nokuti muparidzi waiva akachenjera, waiva achiri kudzidzisa vanhu ruzivo, hongu wakadzamisa pfungwa, akatsvakisisa, akamisa zvakanaka zvirevo zvizhinji.
10 Muparidzi wakatsvaka kuwana mashoko anofadza; uye zvakanyorwa zvakarurama, mashoko echokwadi.
11 Mashoko evakachenjera akaita sezvibayiso uye sembambo dzakaroverwa dzikadzika, madzishe edziungano, akapiwa nemufudzi umwe chete.
12 Pamusoro peizvizve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita mabhuku mazhinji hakuna magumo, uye kudzidza kuzhinji kunonetesa nyama.
13 Magumo eshoko rose ranzwikwa ndirori: Itya Mwari, ugochengeta mirairo yake; nokuti izvi ifaniro yemunhu wose.
14 Nokuti Mwari achauisa basa rimwe nerimwe pamutongo, nechose chakavanzika, kana chakanaka, uye kana chakaipa.