ShonaTeam Ecclesiastes « 11 »

Itai zvakanaka panguva dzose

11Kandira chingwa chako pamusoro pechiso chemvura zhinji, nokuti uchachiwana shure kwemazuva mazhinji.

2 Ipa mugove kuvanomwe, kunyangewo kuvasere, nokuti hauzivi kuti chii chakaipa chiri panyika.

3 Kana makore azara mvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira kuchamhembe, uye kana kumaodzanyemba, panzvimbo muti paunowira ndipo pauchava.

4 Anocherekedza mhepo haangadzvari; neanotarira makore haangakohwi.

5 Sezvausingazivi kuti nzira yemweya yakadini kana makuriro emapfupa mudumbu remukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose.

6 Dzvara mbeu dzako mangwanani, uye madekwani usabvisa ruoko rwako; nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichava zvakanaka.

7 Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye zvakanakira meso kuona zuva.

8 Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, nokuti achava mazhinji; zvose zvinouya hazvina maturo.

Munhu ngaafarire zvose, asi ngaarangarire Musiki wake paudiki hwake

9 Fara, jaya, paudiki hwako, uye moyo wako ngaukufadze pamazuva eujaya hwako; uye ufambe nenzira dzemoyo wako, nepakuona kwemeso ako; asi ziva kuti pane izvozvi zvose, Mwari anokuisa pamutongo.

10 Naizvozvo bvisa kusuruvara pamoyo wako, ubvise chakaipa panyama yako, nokuti udiki neujaya hazvina maturo.