ShonaTeam Ecclesiastes « 10 »

Uchenjeri neupenzi

10Nhunzi dzakafa dzinodururisa kunhuhwa chizoro chemuvhenganisi wezvinonhuhwira; upenzi ushoma hunodaro kune wakakosha nekuda kweuchenjeri nekuda kwerukudzo.

2 Moyo wewakachenjera uri kuruoko rwake rwerudyi, asi moyo webenzi uri kuruboshwe rwake.

3 Zvirokwazvowo benzi parinofamba panzira, pfungwa dzaro dzinosarira, uye rinoti kune umwe neumwe ibenzi.

4 Kana mweya wemutongi uchikukwirira, usasiya nzvimbo yako, nokuti kudzikama kunonyaradza zvitadzo zvikuru.

5 Pane chakaipa chandakaona pasi pezuva, sechitadzo chinobuda pachiso chemutongi:

6 Utununu hunoiswa panzvimbo dzakakwirira zvikuru, uye vakafuma vanogara panzvimbo yakaderera.

7 Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, nemachinda achifamba sevaranda panyika.

8 Anochera gomba achawira mariri; uye anokoromora rusvingo, nyoka ichamuruma.

9 Anobvisa mabwe achakuvadzwa nawo; anobanzura huni achava panjodzi nadzo.

10 Kana simbi yagomara, uye iye akasarodza mucheto, naizvozvo anofanira kuwedzera simba; uye uchenjeri hunobatsira pakururamisa.

11 Kana nyoka ikaruma isina kubviswa uturu, nyanzvi yerurimi haina rubatsiro.

12 Mashoko emuromo wewakachenjera ane nyasha, asi miromo yebenzi inorimedza.

13 Kutanga kwemashoko emuromo waro upenzi, uye mugumo wemuromo waro upengo hwakashata.

14 Zvino benzi rinowanza mashoko; munhu haazivi zvichazovapo; nezvichavapo shure kwake ndiyani achamuudza?

15 Kubata kwebenzi kunomunetesa, nokuti haazivi kuenda kuguta.

16 Nhamo kwauri iwe nyika, kana mambo wako ari mwana, nemachinda ako achidya mangwanani.

17 Wakaropafadzwa iwe nyika, kana mambo wako ari mwanakomana wevanokudzwa, nemachinda ako achidya panguva yakafanira, kuitira simba uye kwete kudhakwa.

18 Neusimbe ukuru nhungo dzinotiva; uye nekusabata kwemaoko imba inodonha.

19 Mabiko anoitirwa kuseka, uye waini inofadza vapenyu; asi mari imhinduro yazvo zvose.

20 Usatuka mambo, kunyange mumufungo wako; uye mumakamuri emukati eimba yako yekurara usatuka mufumi; nokuti shiri yematenga inoendesa inzwi, uye ane mapapiro anopira shoko.