ShonaTeam Ecclesiastes « 9 »

Nzira dzaMwari hadzizikanwi

9Nokuti zvose izvi ndakazviisa mumoyo wangu, kududzira zvose izvi, kuti vakarurama nevakachenjera nemabasa avo zviri muruoko rwaMwari. Hakuna munhu anoziva rudo pamwe neruvengo, zvose zviri pamberi pavo.

2 Zvose zvakafanana kune vose, chiitiko chimwe kune wakarurama nekune wakaipa, kune wakanaka nekune wakachena nekune asina kuchena, nekune anobaira nekune asingabairi. Sewakanaka, wakadaro mutadzi, anopika seanotya mhiko.

3 Ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chiitiko chimwe chive kune vose, uyewo moyo wevanakomana vevanhu uzere nechakaipa neupengo ukuru pamoyo wavo muupenyu hwavo; uye shure kwazvo vanoenda kuvakafa.

4 Nokuti kune vanobatanidzwa kuvapenyu vose kune chivimbo, nokuti imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa.

5 Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havazivi chinhu, uye havachinazve mubairo; nokuti kurangarirwa kwavo kwakanganikwa.

6 Rudo rwavowo neruvengo rwavo negodo ravo zvaiva zvaparara, uye havachavi nemugove nekusingaperi pane zvose zvinoitwa pasi pezuva.

7 Enda, udye zvekudya zvako nemufaro, unwe waini yako nemoyo wakafarisa; nokuti Mwari atofadzwa nemabasa ako.

8 Nguva dzose nguvo dzako ngadzive dzakachena, uye mafuta ngaarege kushaikwa mumusoro wako.

9 Nakirwa neupenyu nemukadzi wawakada, mazuva ose eupenyu hwekushaya maturo kwako, aakakupa pasi pezuva, mazuva ose ekushaya maturo kwako, nokuti ndiwo mugove wako muupenyu, iwo wekubata kwako kwawakabata pasi pezuva.

10 Chipi nechipi ruoko rwako charwunowana kuita, ita nesimba rako, nokuti hakuna basa, kana zano, kana ruzivo, kana uchenjeri muguva maunoenda.

Uchenjeri hunopfuura zvose

11 Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti mujaho hausi wevanomhanyisisa, nehondo haisi yevane simba, nechingwawo hachisi chevakachenjera, uyewo fuma haisi yevane ruzivo, nenyashawo hadzisi dzenyanzvi, nokuti nguva nemukana zvakaitika kwavari vose.

12 Nokuti munhu haaziviwo nguva yake; sehove dzinobatwa nemumbure wakaipa, uye seshiri dzinobatwa nemusungo, seizvi vanakomana vevanhu vanoteerwa musungo panguva yakaipa, kana ichivawira pakarepo.

13 Ndakaonawo ichi pasi pezuva, uchenjeri, uye ukuru kwandiri:

14 Kwaiva neguta diki, nevanhu vashoma mukati maro; asi mambo mukuru wakauya mariri, ndokurikomba, ndokurivakira masvingo makuru ekurwisa.

15 Zvino makawanikwa mukati maro munhu murombo wakachenjera, zvino akanunura guta neuchenjeri hwake; asi munhu haana kurangarira munhu uyu murombo.

16 Ini ndokuti: Uchenjeri huri nani pane simba, asi uchenjeri hwemurombo hunozvidzwa, uye mashoko ake haateererwi.

17 Mashoko evakachenjera anonzwika pakudzikama kupfuura kudanidzira kwemutungamiriri pakati pemapenzi.

18 Uchenjeri hunopfuura zvombo zvehondo; uye mutadzi umwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.