ShonaTeam Ecclesiastes « 8 »

Madzimambo anofanira kuteererwa

8Ndiyani wakaita sewakachenjera? Uye ndiyani anoziva dudziro yechinhu? Uchenjeri hwemunhu hunopenyesa chiso chake, uye kuoma kwechiso chake hunoshandurwa.

2 Ndinoti: Chengeta murairo wamambo, uye nekuda kwemhiko yaMwari.

3 Usakurumidza kubva pamberi pake; usamira panyaya yakaipa; nokuti anoita zvose zvaanoda.

4 Apo pane shoko ramambo, pane simba; uye ndiyani angati kwaari: Munoitei?

5 Anochengeta murairo haazivi chinhu chakaipa; uye moyo wewakachenjera unoziva nguva nemutongo.

6 Nokuti panyaya imwe neimwe pane nguva nemutongo; nokuti kushata kwemunhu kukuru pamusoro pake.

7 Nokuti haazivi kuti zvichavei; nokuti ndiyani angamuudza kuti zvichava zvarinhi?

8 Hapana munhu ane simba pamusoro pemweya kunyima mweya; hapanawo ane simba pazuva rerufu; uye hapana kununurwa pahondo iyo; uye chakaipa hachinganunuri vene vacho.

9 Zvose izvi ndakazviona, kuti ndipe moyo wangu kubasa rimwe nerimwe rakaitwa pasi pezuva, nguva munhu paakatonga munhu chive chinhu chakaipa kwaari.

Mubairo wevakarurama nevasakarurama

10 Zvino saizvozvo ndakaona vakaipa vachivigwa, vaiva vakapinda vakaenda kubva panzvimbo tsvene. Zvino vakakanganikwa muguta mavakaita zvakadaro. Izviwo hazvina maturo.

11 Nokuti mutongo pabasa rakaipa haungaitwi nekukurumidza, nekuda kweizvi moyo wevanakomana vevanhu wakazara mukati mavo kuita zvakaipa.

12 Kunyange mutadzi akaita chakaipa kazana, mazuva ake akarebeswa, zvakadaro zvirokwazvo ndinoziva kuti zvichavanakira vanotya Mwari, vanotya pamberi pake.

13 Asi chakanaka hachingavi kune wakaipa, uye haangarebesi mazuva semumvuri, nokuti haatyi pamberi paMwari.

14 Pane chisina maturo chinoitwa panyika, kuti varipo vakarurama vanowirwa zvinoenderana nebasa revakaipa, uye varipo vakaipa vanowirwa zvinoenderana nebasa revakarurama. Ndakati: Ichiwo hachina maturo.

15 Naizvozvo ini ndakashambadza mufaro; nokuti munhu haana chakanaka pasi pezuva kunze kwekudya, nekunwa, nekufara; uye izvo zvigare naye pakubata kwake kwemazuva eupenyu hwake Mwari aakamupa pasi pezuva.

16 Pandakapa moyo wangu kuziva uchenjeri nekuona basa rakaitwa panyika, nokutiwo pane asingaoni hope nemeso ake masikati neusiku,

17 ipapo ndakaona basa rose raMwari, kuti munhu haagoni kuwana basa rakaitwa pasi pezuva, nokuti kunyange munhu achishingaira kutsvaka, haawani, uye kunyange wakachenjera achitaura kuziva, haagoni kuwana.