ShonaTeam Ecclesiastes « 7 »

Uchenjeri hwakanaka kupfuura zvose

7Zita rakanaka riri nani pane chizoro chakanaka, nezuva rekufa pane zuva rekuzvarwa kwake.

2 Zviri nani kuenda kuimba yekuchema, pane kuenda kuimba yemabiko; nokuti ndiwo mugumo wemunhu wose; uye mupenyu achazviisa mumoyo make.

3 Kushungurudzika kuri nani pane kuseka, nokuti nekusuwa kwechiso moyo unoitwa nani.

4 Moyo wevakachenjera uri muimba yekuchema, asi moyo wemapenzi uri muimba yemufaro.

5 Zviri nani kunzwa kutsiura kwewakachenjera, pakuti munhu anzwe rwumbo rwemapenzi.

6 Nokuti sekubarika kweminzwa pasi pehari, ndizvo zvakaita kuseka kwebenzi. Uye izviwo hazvina maturo.

7 Zvirokwazvo manikidzo inopenza wakachenjera; uye chipo chinoparadza moyo.

8 Mugumo wechinhu uri nani pane kutanga kwacho; ane moyo murefu ari nani pane ane kuzvikudza kwemweya.

9 Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chemapenzi.

10 Usati: Zvinoitwa sei kuti mazuva ekutanga aiva nani pane awa? Nokuti naizvozvi haubvunzi neuchenjeri.

11 Uchenjeri hwakanaka pamwe nenhaka; uye ruyamuro kune vanoona zuva.

12 Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mari chitaviridzo, asi kuva nani kweruzivo kuti hunopa upenyu kuvene vahwo.

13 Cherekedza basa raMwari, nokuti ndiyani anogona kutasanura chaakaminamisa?

14 Fara muzuva rekubudirira, asi rangarira muzuva rechakaipa; nairori Mwari wakariita rikava seroro, kusvika pachinangwa chekuti munhu asawana chinhu shure kwake.

15 Zvose ndakazviona pamazuva ekushaya maturo kwangu: Aripo wakarurama anoparara mukururama kwake, uye aripo muiti wezvakaipa anorebesa upenyu mukuipa kwake.

16 Usava wakarurama kupfuurikidza, uye usazviita wakachenjera kupfuurikidza; unozviparadzirei?

17 Usava wakaipa kupfuurikidza, uye usava benzi; unofirei pasati pari panguva yako?

18 Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uyewo kuti usabvisa ruoko rwako pane ichocho; nokuti anotya Mwari achapukunyuka pazviri zvose.

19 Uchenjeri hunosimbisa wakachenjera kupfuura vatongi gumi vari muguta.

20 Nokuti hakuna munhu wakarurama panyika anoita zvakanaka akasatadza.

21 Uye usaisa moyo wako pamashoko ose avanotaura, kuti usanzwa kuti muranda wako anokutuka.

22 Nokuti panguva zhinjiwo moyo wako unoziva kuti newe unotuka vamwe.

23 Zvose izvi ndakazvicherekedza neuchenjeri, ndikati: Ndichachenjera; asi zvaiva kure neni.

24 Zviri kure, nezvakadzika zvikuru, ndiyani achazviwana?

25 Ini ndakatendeuka, nemoyo wangu, kuziva nekunzvera nekutsvaka uchenjeri, nechinangwa, nekuziva kutadza kweupenzi, uye utununu hweupengo ukuru.

26 Zvino ndakawana zvinovava kupfuura rufu: Mukadzi wemoyo wake uri mimbure nemisungo, maoko ake zvisungo. Wakanaka pamberi paMwari achapukunyuka kubva paari, asi mutadzi anobatwa naye.

27 Tarira, ndakawana izvi, wakadaro muparidzi, chimwe kune chimwe kuwana chikonzero;

28 mweya weupenyu wangu uchiri kuchitsvaka, asi handichiwani. Murume umwe pakati pechuru ndakamuwana, asi mukadzi pakati pavo vose handina kumuwana.

29 Tarira, ndakawana ichi chega, kuti Mwari wakaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji.