ShonaTeam Ecclesiastes « 6 »

Mufaro unobva pafuma yenyika hauna kukwana

6Pane chakaipa chandakaona pasi pezuva, uye chikuru pavanhu:

2 Munhu Mwari waanopa kwaari fuma, neufumi, nerukudzo, kuti asashaiwa pamweya weupenyu wake pazvose zvaanoshuva, asi Mwari asingamupi simba kuti adye pairi, asi mutorwa anoidya. Ichi hachina maturo, uye ichi chirwere chakaipa.

3 Kana munhu akabereka zana, ndokurarama makore mazhinji, kuti mazuva emakore ake ave mazhinji, asi mweya weupenyu wake usingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa, ndinoti gavamwedzi riri nani pana iye.

4 Nokuti anopinda mukushaya maturo, uye anoenda murima, uye zita rake rinofukidzwa murima.

5 Kunyange zuva haana kuriona uye haana kuziva, uyu ane zororo guru kukunda uyo.

6 Hongu, kunyange akararama makore zvuru zvakapetwa kaviri, zvakadaro asina kuona chakanaka, vose havaendi here kunzvimbo imwe?

7 Kubata kose kwemunhu ndekwemuromo wake; zvakadarowo chishuwo hachizadzwi.

8 Nokuti wakachenjera anei kupfuura benzi? Anei murombo anoziva kufamba pamberi pevapenyu?

9 Kuona kwemeso kuri nani pane kufamba kwechishuwo. Izviwo hazvina maturo uye kutambudzika kwemoyo.

10 Chinhu chakavapo chakatotumidzwa zita racho; uye zvinozikanwa kuti munhu; uye haagoni kupikisana neakasimba kumupfuura.

11 Nokuti zvinhu zvizhinji zvinowanza kushaya maturo; zvinobatsirei kumunhu?

12 Nokuti ndiyani anoziva zvakanakira munhu muupenyu, uwandu hwemazuva eupenyu hwake husina maturo hwaakaita semumvuri? Nokuti ndiyani angaudza munhu izvo zvichavako shure kwake pasi pezuva?