ShonaTeam Ecclesiastes « 5 »

Nzira dzinouisa mufaro

5Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; uye swederera kuteerera pane kupa chibairo chemapenzi; nokuti haazivi kuti anoita chakaipa.

2 Usakurumidzisa nemuromo wako, uye moyo wako ngaurege kukurumidza kubudisa shoko pamberi paMwari; nokuti Mwari ari kumatenga, iwewo uri panyika; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma.

3 Nokuti chiroto chinouya neuwandu hwebasa, uye inzwi rebenzi neuwandu hwemashoko.

4 Paunopika mhiko kuna Mwari, usanonoka kuizadzisa, nokuti hakuna mufaro kumapenzi; zadzisa icho chawakapika.

5 Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingazadzisi.

6 Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; uye usareva pamberi pemutumwa kuti imhosho; Mwari achatsamwirei inzwi rako, akaparadza basa remaoko ako?

7 Nokuti pauwandu hwezviroto nemashoko mazhinji pane zvisina maturo zvizhinji; asi iwe utye Mwari.

8 Kana uchiona kumanikidzwa kwemurombo, nekupambwa kwekururama nemutongo mudunhu, usashamiswa nechinhu, nokuti ari pamusoro pekumusoro anocherekedza, uye kune vakuru pamusoro pavo.

9 Mubairo wenyika ndewe vose; mambo anoshandirwa nemunda.

10 Anoda mari haagutsikani nemari, uye ani nani anoda zvakawanda, haangagutsikani nezvakawanda. Izviwo hazvina maturo.

11 Mukuwanda kwezvinhu vadyi vazvo vanowanda; uye zvinobatsirei kuvamwene vazvo kunze kwekuona nemeso avo?

12 Hope dzeanoshanda dzinotapira, angava adya zvishoma kana zvakawanda; asi kuguta kwemufumi hakumutenderi kurara.

13 Pane chakaipa chinorwadza chandakaona pasi pezuva: Fuma inochengeterwa vamwene vayo, ive kutambudzika kwavo.

14 Zvino fuma iyo inoparara nebasa rakaipa; nepaanobereka mwana, hamuna chinhu muruoko rwake.

15 Sekubuda kwake mudumbu ramai vake, achadzoka asina chinhu, achienda sekuuya kwake; uye haangatori chinhu pakubata kwake chaangaenda nacho muruoko rwake.

16 Neichiwo chakaipa chinorwadza: Sezvaakangouya, saizvozvo anoenda; zvino chii chinowanikwa kune anotamburira mhepo?

17 Mazuva ake osewo anodyira murima, nekushushikana kukuru, neutenda hwake, nekutsamwa.

18 Tarira, zvandakaona ini, zvakafanira zvakanaka kudya nekunwa nekuona zvakanaka pakubata kwake kose kwaakabata pasi pezuva, uwandu hwemazuva eupenyu hwake Mwari hwaakapa kwaari, nokuti ndiwo mugove wake.

19 Uye munhu wose Mwari waakapa fuma neufumi, ndokumupa simba rekudya pazviri, nekugamuchira mugove wake, nekufara pabasa rake, ichi ndicho chipo chaMwari.

20 Nokuti haangarangariri zvikuru mazuva eupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura pamufaro wemoyo wake.