ShonaTeam Ecclesiastes « 3 »

Chimwe nechimwe chine nguva yacho

3Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, uye kune nguva yenyaya imwe neimwe pasi pematenga.

2 Nguva yekuberekwa, nenguva yekufa; nguva yekudzvara, nenguva yekudzura chakadzvarwa;

3 nguva yekuuraya, nenguva yekuporesa; nguva yekuputsa, nenguva yekuvaka;

4 nguva yekuchema misodzi, nenguva yekuseka; nguva yekurira, nenguva yekupembera;

5 nguva yekurasa mabwe, nenguva yekuunganidza mabwe; nguva yekumbundikira, nenguva yekuva kure nekumbundikira;

6 nguva yekuwana, nenguva yekurasikirwa; nguva yekuchengeta, nenguva yekurasa;

7 nguva yekubvarura, nenguva yekusona; nguva yekunyarara, nenguva yekutaura;

8 nguva yekuda, nenguva yekuvenga; nguva yehondo, nenguva yerugare.

9 Anowanei anoshanda pane zvaanoshingairira?

10 Ndakaona basa Mwari raakapa vanakomana vevanhu, kuti vabatikane naro.

11 Wakaita chimwe nechimwe chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumoyo mavo, kuti kusava nemunhu anowana basa Mwari raakaita kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.

12 Ndinoziva kuti hakuna chakanaka pakati pavo kunze kwekufara nekuita zvakanaka paupenyu hwake.

13 Uyewo kuti munhu umwe neumwe adye nekunwa, anakirwe nezvakanaka zvekubata kwake kose; kunova chipo chaMwari.

14 Ndinoziva kuti chipi nechipi Mwari chaanoita chichavapo nekusingaperi; hakuna chingawedzerwa kwachiri uye hakuna chingatapudzwa kwachiri; uye Mwari wakazviita, kuti vatye pamberi pake.

15 Zvaiva zviripo zviripo nhasi, nezvichavapo zvakagara zviripo; uye Mwari anoda zvakadzingwa.

16 Uyewo ndakaona pasi pezuva nzvimbo yemutongo, uipi hwaiva huripo; nenzvimbo yekururama, uipi hwaiva huripo.

17 Ini ndakati mumoyo mangu: Mwari achatonga wakarurama newakaipa, nokuti nguva iripo ipapo yechinangwa chipi nechipi nepamusoro pebasa ripi neripi.

18 Ini ndakati mumoyo mangu: Pachimiro chevanakomana vevanhu, kuti Mwari avaratidze pachena kuti vaone kuti ivo pachavo imhuka.

19 Nokuti zvinowira vanakomana vevanhu zvinowira mhukawo; ichi chinhu chimwe chinovawira; sekufa kunoita chimwe, chimwe chinofa saizvozvo; hongu zvine kufema kumwe; munhu haana paanopfuura mhuka; nokuti zvose hazvina maturo.

20 Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva kuguruva, uye zvose zvinodzokera kuguruva.

21 Ndiyani anoziva mweya wevanakomana vevanhu unokwira kumusoro, nemweya wemhuka unoburuka kuburukira kuvhu?

22 Naizvozvo ndakaona kuti hakuna chiri nani kupfuura kuti munhu afare pamabasa ake, nokuti ndiwo mugove wake; nokuti ndiyani achamuunza kuti aone zvichavako shure kwake?