ShonaTeam Ecclesiastes « 2 »

Mufaro wenyika nefuma hazvifadzi

2Ndakati ini mumoyo mangu: Uya hako, ndichakuedza nemufaro; uye tarira kuzvakanaka! Asi tarira, izviwo zvaiva zvisina maturo.

2 Maererano nekuseka ndakati: Upenzi! Uye maererano nemufaro: Unoitei?

3 Ndakatsvaka mumoyo wangu kufadza nyama yangu newaini (asi ndakatungamirira moyo wangu muuchenjeri), nekubatirira paupenzi, kusvika ndaona kuti chii ichi chakanakira vanakomana vevanhu, chavangaita pasi pematenga, neuwandu hwemazuva eupenyu hwavo.

4 Ndakazviitira mabasa makuru; ndakazvivakira dzimba; ndakazvidzvarira minda yemizambiringa;

5 ndakazviitira mabindu nemabindu emiti, ndikadzvara maari miti yemichero yose;

6 ndakazviitira madziva emvura, kudiridza kubva maari masango anomera miti;

7 ndakatenga varanda nevarandakadzi; ndakava nevakaberekerwa mumba mangu; uye ndakava nefuma zhinji yemombe nemakwai, pamusoro pevose vakanditangira paJerusarema;

8 ndakazviunganidzirawo sirivha negoridhe, nefuma yakasanangurwa yemadzimambo neyematunhu; ndakazviwanira vaimbi vechirume nevaimbi vechikadzi, nezvinofadza zvevanakomana vevanhu, vasikana vemarudzi ose.

9 Saizvozvo ndakava mukuru uye ndakawanda kupfuura ani nani waivapo pamberi pangu paJerusarema; uye huchenjeri hwangu hwakamira neni.

10 Zvose meso angu zvaakakumbira handina kuanyima izvo; handina kunyima moyo wangu mufaro upi neupi; nokuti moyo wangu wakafara nekuda kwekushingaira kwangu kose; uye uyu wakava mugove wangu kubva pakushingaira kwangu kose.

11 Zvino ini ndakatendeukira kumabasa angu ose maoko angu aakaita, uye kubasa randakashingairira kuita; zvino tarira, zvose hazvina maturo uye kutambudzika kwemhepo; uye hapana chinobatsira pasi pezuva.

12 Zvino ini ndakatendeuka kuona uchenjeri, neupengo ukuru, neupenzi. Nokuti angaitei munhu anotevera mambo? Izvo zvakatoitwa.

13 Zvino ini ndakaona kuti kune zvinobatsira pauchenjeri kupfuura upenzi, sezvinobatsira zvechiedza kupfuura rima.

14 Wakachenjera, meso ake ari mumusoro make, uye benzi rinofamba murima; neniwo ndakaziva kuti chiitiko chimwe chakaitika kwavari vose.

15 Zvino ini ndakati mumoyo mangu: Sezvakaitika kubenzi, zvakaitikawo kwandiri ini; zvino sei ini ndakachenjera kupfuura? Zvino ndakataura mumoyo mangu kuti izviwo hazvina maturo.

16 Nokuti hapana kurangarirwa kune wakachenjera kunopfuura kubenzi pakusingaperi; nokuti izvi zviripo ikozvino, mazuva anouya zvinokanganikwa zvose; zvino sei wakachenjera achifa pamwe nebenzi?

17 Zvino ndakavenga upenyu, nokuti anosuwisa kwandiri mabasa akaitwa pasi pezuva, nokuti zvose hazvina maturo uye kutambudzika kwemoyo.

18 Zvino ini ndakavenga kubata kwangu kose kwandakabata pasi pezuva, nokuti ndinozvisiira munhu anonditevera.

19 Zvino ndiyani angaziva kana iye achava wakachenjera kana benzi? Zvakadaro anotonga pamusoro pekubata kwangu kose kwandakabata, uye kuti ndakaita neuchenjeri pasi pezuva! Izviwo hazvina maturo.

20 Zvino ini ndakatendeuka kuodza moyo wangu nekubata kose kwandakabata pasi pezuva.

21 Nokuti pane munhu kubata kwake kuri muuchenjeri nemuruzivo nemuumhizha; zvakadaro achakupa munhu asina kubata pakuri uve mugove wake. Izviwo hazvina maturo uye chitadzo chikuru.

22 Nokuti munhu anei pakubata kwake kose, nekushungurudzika kwemoyo wake kwaanobata pasi pezuva?

23 Nokuti mazuva ake ose inhamo huru, nekutambudzika kwake marwadzo; kunyange neusiku moyo wake hauzorori. Kunyange ichi hachina maturo.

24 Hakune chinhu chakanaka kumunhu kuti adye anwe aratidze mweya wake zvakanaka pakubata kwake? Izvi ini ndakaonawo kuti zvinobva muruoko rwaMwari.

25 Nokuti ndiyani angadya, uye ndiyani anganakirwa kupfuura ini?

26 Nokuti anopa munhu wakanaka pamberi pechiso chake uchenjeri neruzivo nemufaro; asi mutadzi anomupa basa rekuunganidza nekututira, kuti ape wakanaka pamberi paMwari. Izviwo hazvina maturo, uye kutambudzika kwemoyo.