ShonaTeam Ecclesiastes « 1 »

Zvose hazvina maturo

1 Mashoko eMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo paJerusarema.

2 Kushaya maturo kwezvisina maturo, anoreva Muparidzi; kushaya maturo kwezvisina maturo; zvose hazvina maturo!

3 Munhu achawanei pakushingaira kwake kose kwaanoshingaira pasi pezuva?

4 Zera rinoenda, uye zera rinouya; asi nyika imire kusvika rinhi narinhi.

5 Zuva rinobudawo, uye zuva rinovira; uye richitakwairira kunzvimbo kwarinobuda.

6 Mhepo inoenda kuchamhembe, ichitendeukira kumaodzanyemba; ichitendeuka tendeuka ichienda; uye mhepo inodzokera pakutenderera kwayo.

7 Nzizi dzose dzinoenda mugungwa, zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi ndiko kwadzinodzokerazve.

8 Zvinhu zvose zvinonetesa; hakuna munhu anogona kuzvitaura; ziso hariguti nekuona, uye nzeve haizari nekunzwa.

9 Chakambovapo ndicho chichazovapo; uye chakamboitwa ndicho chichazoitwa; uye hapana chinhu chitsva pasi pezuva.

10 Chinhu chiriko here chinganzi: Tarirai, ichi chitsva? Chaiva chichingovapo kare-kare kutitangira.

11 Hapana chirangaridzo chezvinhu zvekutanga; uye nezvinhu zvinouya zvichavako hakungaviwo nechirangaridzo chazvo nevachazovapo shure.

12 Ini Muparidzi ndaiva ndiri mambo pamusoro paIsraeri paJerusarema.

13 Zvino ndakapa moyo wangu kutsvaka nekunzvera neuchenjeri maererano nezvose zvinoitwa pasi pematenga. Kutambudzika uku kunorwadza Mwari wakapa kuvanakomana vevanhu kuti vabatikane nako.

14 Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; uye tarirai, zvose hazvina maturo uye kudzingana kwemhepo.

15 Chakakombama hachigoni kutasamurwa; uye chinoshaikwa hachigoni kuverengwa.

16 Ini ndakataura nemoyo wangu, ndichiti: Tarira ini ndakakura ndikawedzera uchenjeri pamusoro peumwe neumwe wakanditangira paJerusarema, uye moyo wangu wakaona zvikuru uchenjeri neruzivo.

17 Zvino ndakapa moyo wangu pakuziva uchenjeri, nekuziva upengo neupenzi. Ndakaziva kuti kunyange izvi kutambudzika kwemhepo.

18 Nokuti mukuwanda kweuchenjeri mune kuwanda kwekusuwa; uye anowedzera ruzivo anowedzera shungu.