ShonaTeam Proverbs « 31

Mambo anopiwa mazano namai vake

31Mashoko aRemueri mambo; mutoro mai vake wavakamudzidzisa.

2 Sei, mwanakomana wangu? Uye sei, mwanakomana wechizvaro changu? Uye sei, mwanakomana wemhiko dzangu?

3 Usapa simba rako kuvakadzi, kana nzira dzako pakuparadza madzimambo.

4 Hazvisi zvemadzimambo, Remueri, hazvisi zvemadzimambo kunwa waini, kana zvemachinda kushuva zvinwiwa zvinodhaka.

5 Zvimwe anwe ndokukanganwa chimiso, ndokushandura mutongo weumwe neumwe wevanakomana vekutambudzika.

6 Ipai zvinwiwa zvinodhaka kune oparara, newaini kune anorwadziwa pamweya weupenyu.

7 Ngaanwe akanganwe urombo hwake, uye asarangarirazve kutambudzika kwake.

8 Shamisira mbeveve muromo wako, mhaka yevose vakatemerwa kuparara.

9 Shamisa muromo wako, utonge zvakarurama, uye umiririre murombo neanoshaiwa.

10 Ndiyani angawana mukadzi anoshingairira zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mabwe anokosha.

11 Moyo wemurume wake wakavimba iye, kuti asashaya chakapambiwa.

12 Anomuitira zvakanaka, uye kwete zvakaipa, mazuva ose eupenyu hwake.

13 Anotsvaka mvere neruchinda, uye anoshanda nemufaro wemaoko ake.

14 Wakafanana nezvikepe zvemushambadziri; anouisa zvekudya zvake kubva kure.

15 Anomuka huchiri usiku, nekupa zvekudya kuimba yake, nemugove wezuva kuvarandakadzi vake.

16 Anorangarira munda ndokuutora; kubva pachibereko chemaoko ake wakadzvara munda wemizambiringa.

17 Anosunga chiuno chake nesimba, nekusimbisa maoko ake.

18 Wakaona kuti kushambadzira kwake kwakanaka; mwenje wake haudzimi usiku.

19 Wakatambanudzira maoko ake kune chirukiso; uye maoko ake akabata chirukwa.

20 Anotandavadzira ruoko rwake kumurombo; uye anotandavadzira maoko ake kune anoshaiwa.

21 Haatyiri magada echando veimba yake, nokuti veimba yake yose vakapfekedzwa zvitsvuku.

22 Anozviitira mitsamhiro ine ukomba; nguvo yake mucheka wakaisvonaka nemutsvuku.

23 Murume wake anozikanwa pamasuwo, pakugara kwake nevakuru venyika.

24 Anoita micheka yakapfava ndokutengesa, uye anopa mutengesi chisungo chechiuno.

25 Simba nerukudzo zvipfeko zvake, uye anoseka pazuva rinotevera.

26 Anoshamisa muromo wake neuchenjeri; uye murairo weunyoro uri parurimi rwake.

27 Anocherekedza nzira dzeveimba yake, uye chingwa cheusimbe haadyi.

28 Vana vake vanomuka, vachiti wakaropafadzwa; murume wakewo anomurumbidza achiti:

29 Vakunda vazhinji vakaita neumhare, asi iwe wakakwira pamusoro pavo vose.

30 Kunaka kunonyengera, uye unaku hahuna maturo; mukadzi anotya Jehovha ndiye acharumbidzwa.

31 Chimupai zvinobva pachibereko chemaoko ake; uye mabasa ake ngaamurumbidze pamasuwo.